Chimwe Chikwata Chiri Kurwira Hutungamiri hweSangano reVakarwa Hondo Choramba Kutambira Kongiresi Yakaitwa neChikwata chaVaMutsvangwa

  • Jonga Kandemiiri

VaChristopher Mutsvangwa vakanga vatungamira ZNLWVA kwemakore gumi nerimwe.

Chimwe chikwata chiri kurwira kutungamira sangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association chiri kutungamirirwa naVaEthan Mathibela chinoti hachisi kutambira musangamo wekongiresi wakaitwa kuGweru neMugovera pamwechete nezvakabuda mumusangano uyu, uyo wakakokerwa nechimwe chikwata chinotungamirirwa naVaChristopher Mutsvangwa.

VaMathibela vaudza Studio 7 kuti kongiresi iyi yakaitwa zvisiri pamutemo uye yakazvidza mutongo wedare wakarambidza rimwe nerimwe remapoka matatu ari kurwira hutungamiri kuita sekunge ndiro riri kutungamira sangano revakarwa hondo iri.

Vanoti vakaita musangano uyu vakaita kongiresi yekutsvaga hutungamiri vasina kukoka ruzhinji.

“Takaona vakanga variko ikoko uko, ruzhinji vanga vari ve league yavanoti War Veterans’ League yemusangano weZanu PF. Saka ruzhinji haruna kunyatsoziviswa. Zvairatidza as if kuti vanga vachiita inhouse mu league macho imomo. Tese uko hatina kutomboziviswa. Tazongonzwa kuti zvazoitika hazvo,” VaMathibela vanodaro.

Pamubvunzo wekuti vane matanho avachatora here panyaya iyi? VaMathibela vanoti chikwata chavo chakatogara chatora matanho kare kuburikidza nenyaya yachakaisa kumatare.

“Kwazoburikidza nekuti judge akapa chisungo chekuti hakuna kongiresi inoitwa. Imimi garai ma faction ari three mudhisikase way forward. Kana mazotora resolution muri three mozouya musi wa 3 October. So, ndizvo zvatanga takamirira because tese tiri vatatu ma faction tine ma lawyers edu.”

Vanoti ivo nekuti vanotevedzera mutemo, vakatogara pasi nehutungamiri hwavo vakabuda nezvavari kukomekedza kuti zviitwe zvavakasvitsa kumagweta avo, vachiti pari zvino vangomirira kuti vazoshevedzwa patafura yenhaurirano vachionesana.

Musangano wakaitwa neMugovera uyu wakasarudza hutungamiri hutsva hwaVaCephas Ncube, avo vakawanda mavhoti mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemana, 294, vachiteverwa naVaAlbert Ncube avo vakawana mavhoti makumi mapfumbamwe kana kuti 90.

VaVictor Matemadanda vakawana mavhoti makumi manomwe nemashanu, 75, kuchitiwo VaMutsvangwa vachiwana mavhoti gumi nerimwe, kana kuti 11.

VaMutsvangwa vanonzi vari kuchikwata chiri kutsigira hurongwa hwekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Manangagwa, varambe vari pachigaro kusvika 2030 kunyange hazvo naivovo vachinzi vane chidikwadikwa chekupindawo panyanga.

Studio 7 yakundikana kubata VaMutsvangwa sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Hatina kuwanisawo kubata VaNcube naVaMoffat Marashwa avo vanga vachitungamira chimwe chikwata chevakarwa hondo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEthan Mathibela