Bhiri rePVO Ramirira Kuti VaMnangagwa Varisaine Kuti Uve Mutemo

VaEmmerson Mnangagwa

Bhiri rezvekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga rePrivate Voluntary Organization Bill kana kuti PVO rave mumaoko evanodhinda magwaro ehurumende kana kuti Government Printers.

Gweta guru rehurumende Amai Virginia Mabhiza vaudza Studio 7 kuti chinenge changosara kuti mutungamiri wenyika aise runyoro rwake kuti ubve wave mutemo.

Asi mamwe masangano akazvimirira oga anoti bhiri iri rinokanganisa zvakanyanya mashandiro avo sezvo vari ivo kazhinji vanotsiura hurumende kana yatsaudzira. Vati ikozvino hurumende inenge yopindira mumashandiro avo nekuvambunyikidza.

Asi vachitaura mudare reparamende nezuro, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati bhiri iri richabatsira kuchenesa mashandiro emasangano akazvimirira oga vachiti vamwe vavo vanoita zvematongerwo enyika kwete kubatsira vanhu.

Vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vaudza Studio 7 kuti separamende pavo vakasakura vakazunza uye vakaendawo kuvanhu kunonzwa pfungwa dzavo.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights VaDzikamai Bere vati mitemo yekuomesera vanenge vatyora mitemo yenyika iripo kare vachiti zvikonzero zviri kupihwa nehurumende pakuvandudza mutemo wemashandiro avo hazvina kuti tsvikiti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzikamai Bere