Mumiriri weAmerica muZimbabwe Amai Pamela Tremont nhasi vapa masangano anoshanda akazvimirira ega rubatsiro rwemari inosvika zviuru zana nezvinomwe neshanu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$475 000 dollars kuti vabatsirike mumabasa avanoita anosanganaisira kurwisa zvinodhaka kune vechidiki, kukurudzira gutsaruzhinji uye kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu munyika nezvimwe.
Musangano uyu waitirwa pamuzinda weAmerica muHarare apo Amai Tremont vakurudzira kuti aite mabasa anopundutsa nharaunda dzavanoshandira. Vati, “Tinovimba kuti mabasa amuri kuita aya achapfuurira mberi kwemakore akawanda anotevera.”
Mutungamiriri werimwe remasangano awana rubatsiro urwu, reTeen Rescue Mission Trust, VaAbraham Matuka vati vamwe vechidiki vari kutora zvinodhaka vari kuguma voita zvechipfambi, kuba nemamwe mabasa erima.
VaMatuka vati, “Tiri kutarisira kuita maprojects akaita sekupfuya huku, nekubika uye nekuisa magetsi anoshandisa simba rezuva” Vaenderera mberi vachiti, “Saka tiri kufara zvikuru kuti mari yatabatsirwa nayo neUS Embassy iyi ichakwanisa kuti tibatsire vechidiki mukuita mabasa achaita kuti vashandise zvinodhaka,”
Vanotungamirawo sangano rinobatsira vana vanenge vasiiwa nevabereki vanenge vari mumajeri reJedidiah Trust Zimbabwe, VaLovemore Chikwanda, vatenda zvikuru muzinda weAmerica muZimbabwe, vachiti rwuchashandura hupenyu hwevakawanda. Vati, “Tinobatsira vana ava nemari dzekuenda kuzvikoro.”
Vatizve, “Kunewo vamwe vechidiki vakasiira chikoro panzira, ivava tinovabatsira nekuita mibato yemaoko.”
Masangano awana rubatsirwo manomwe anoti Zimbabwe Peace Project, Education Matters Trust Zimbabwe, Teen Rescue Mission, Africa Book Development Organisation, Jedidiah Trust Zimbabwe, Vision Sculptures Trust uyewo Fambidzanai Trust.
Mari yekubatsira iyi yabva kuhomwe nhatu dzinoti Ambassador’s Special Self-Help Fund, Julia Taft Refugee Fund, uyewo Africa Regional Democracy Fund.