MDC yaVaMwonzora Yoenda kuMatare Kuti Arambidze VaKomichi Kufamba Vachizviti Vane Chekuita neBato Iri

  • Jonga Kandemiiri

VaMorgen Komichi. (C Mavhunga/VOA)

Bato reMDC rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora kuburikidza nasachigaro waro, VaSolomon Chikowero, raenda kudare repamusoro reHigh Court richida kuti dare iri rirambidze vaimbove sachigaro webato iri, VaMorgen Komichi kuve nechekuita nebato reMDC.

Mumapepa asvitswa kudare, bato iri riri kuda kuti VaKomichi vamiswe kufamba vachizviti ndivo mutungamiri, kana sachigaro kana zvavo kuti vave nechekuita nebato rinopikisa reMDC iri.

Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vanoti VaKomichi vakabuda mubato reMDC kare uye vanoziva kuti VaMwonzora ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo kuti vatungamire bato iri sezvo vakatopindawo musarudzo dzacho vakadyiwa naVaMwonzora.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLloyd Damba

Asi VaKomichi vanoti havasi kuzoteerera zviri kudiwa naVaMwonzora nebato ravo vachiti VaMwonzora vari kushandiswa nebato riri kutonga reZanu PF.

Vanoti vakagadzirirra kusangana naVamwonzora kumatare edzimhosva vachiti vane humbowo huchaita kuti zvionekwe kuti vari pachokwadi.

Studio 7 yaedza kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi asi mushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vanga vasati vapindura mubvunzo watavatumira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgen Komichi