Apo kurudziro yekuti mutungamiri wenyika vari zvakare mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, varambe vari pachigaro irikuramba ichikura, vamwe vari kuonekwa sekunge vari kupikisana nekurudziro iyi vanoti vave kutambira mashoko ekuvatyisidzira kubva kuchikwata cheZanu PF chiri kuda kuti mutungamiri wenyika vatonge kusvika madhongi amera nyanga.
Mumwe wevanoti vari kutumirwa mashoko ekuvatyisidzira ndevaimbove nhengo yevechidiki veZanu PF vari sachigaro vesangano revana vevakarwa hondo reChildren of Zimbabwe War Veterans Association, COZWVA, VaMunyaradzi Shoko.
VaShoko vanoti vari kutumirwa nevamwe vakuru veZanu PF vanosanganisira gurukota redunhu reMidlands, VaOwen Mudha Ncube, mashoko ekuvatyisidzira nekuvayambira kuti vasade kukanganisa hurongwa hwekuti VaMnangagwa varambe vari pachigaro, vachiti vave kutyira hupenyu hwavo pamwe nehwemhuri yavo.
Mune imwe vhidhiyo iri kutenderera pamadandemutande,VaNcube vanonzwika vachishevedzera kuti “Pasi naAmai vaMunyaradzi Shoko,” vari pamusangano webato ravo reZanu PF, izvo zvinonzi naVaShoko ikurudziro yekuti mai vavo vaurayiwe.
"Tiri kutozama nepose patinogona kuti mashoko aVancube aya asasvike munzeve dzavo (amai) nekuti munhu anorwara nemwoyo uye BP. Saka tiri kutozamawo kuti vasazviziva tichitotyira kuti iwo madandemutande aya, foni idzi, kuti vanogona kuzongosangana nemashoko aya kana kungonzwa nemasahwira," VaShoko avnodaro.
Studio 7 yakundikana kubata VaNcube kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira vanoti maziviro avanoita ndeekuti VaShoko havachisiri nhengo yeZanu PF nekudaro havafanirwe kupindira pane zviri kuitika mubato iri.
"Havasi nhengo yeZanu PF. Havamo mumagwaro eZanu PF. Zvisineyi, kana vave kuda kupindira munhau dzebato redu reZanu PF, dzebato risiri ravo, ngavasachemecheme kana vemubato iroro vavapindura nekuti pauno exerciser mvumo yako yekutaura ziva kuti wawataurira ane mvumo yakewo yeku exerciser right yake nemvumo yake yekukupindura. Saka VaMunyaradzi Shoko vakadenha," VaMarapira vanotsanangura.
Your browser doesn’t support HTML5
Asi VaShoko vanoti ikodzero yavo semwana weZimbabwe kuchengetedza bumbiro remitemo kuti risatyorwa vachiti sesangano reCOZWVA vari kuedza napose kuchengetedza bumbiro.
"Tiri kuzama kushambadza kunyika yeZimbabwe nepose patinokwanisa kuti constitution yedu yeZimbabwe inoti VaMnangagwa vane two terms dzinova dzinokwana idzo muna 2028. Saka ndizvozvo. Kana pari kuitwa any amendment to the constitution panofanirwa kuva ne two ma referendum," VaShoko vanopindura.
Vanoti kana izvi zvakaitwa hazvifanirwe kuti VaMnangagwa pachavo vawane cheuviri kubva mukuvandudzwa kwebumbiro remitemo uku.
Your browser doesn’t support HTML5