Mahofisi ekambani egwata rinozivikanwa munyika, VaGoodwills Masimirembwa, avo vanova sachigaro weZanu PF mudunhu reHarare akabhombwa nemusi weSvondo mangwanani nevanhu vasati vave kuzikanwa kuti ndivanani.
Pane mashoko asina kutsinhirwa ekuti imba yemutuvedzeri wavo muZanu PF, VaEphrain Fundukwa , yabhombwawo nhasi mangwanani.
VaMasimirembwa vaudza Studio 7 kuti vanhu vaive nemotokari nhatu mbiri dzeToyota Fortuner neHonda Fit vakasvika pamahofisi avo ari muguta reHarare vakadira peturu pamwe ndosusunga mushandi wavo anochengeta pamhofisi aya vasai vatungidza moto pamwe nekunda bhomba repeturu nepahwindo.
VaMasimirembwa vati mifananidzo yeCCTV inoratidza pachena kusvika kwakaita varume vatanhatu pamahofisi aya nazvose zvavakaita kusvika pakupisa mahofisis aya nemushandi wavo.
VaMasimirembwa vati midziyo yakaraparadzwa inokosha zviuru zvishanu zvemadhora asi mushandi wavo akakuvara zvakaipisisa.
Vati havazive kuti chingave chii chakaita kuti mahofisi avo abhombwe vachiti nayaya iyi yave kuferefetwa nemapurisa.
Mune imwewo nyaya isina kutsinhirwa, imba yemutevedzeri waVaMasimirembwa muZanu PF, VaEphrain Fundukwa, inonzi yabhombwawo nhasi mangwanani asi VaFundukwa pachavo vaudza Studio 7 kuti havana chavanoziva vachiti tibvunze vange vachifambisa mashoko aya pamadandemutande.
Mutauriri wemapurisa, VaPaul, Nyathi vati vachiri kufereta nyaya iyi, uyewo hapana chavanga vanzwa.
Mushandi mukuru mubazi rekuburitswa kwemashoko, muZanu PF, VaFarai Marapira, vati zvakaitika kumahofisi aVaMasimirembwa zviri kunze kwemutemo uye mapurisa anofanira kusunga vakapara mhosva iyi.
Pavavabvunza kuti chingave chii chiri kukonzera izvi, VaMarapira vati vakamirira zvichabuda muongororo yemapurisa.
Asi muongorori wezvematongerwo enyika, uye varimukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika kuvanhu ve zanu PF zvinogona kunge zviine chekuita nenyaya yekuti mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri we Zanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, voramba vari muhofiri here kana kuti kwete sezvo nyaya iyi iri kunetsa kwete munyika chete, asi kuti nemubato iri..
VatMudzengi vatii makakatanwa aya anogona kupera chete kana ivo VaMnangagwa nemutevedzeri wavo, VaConstantine Chiwenga, vakabuda pachena nekuudza vanhu vavo kuti varege kurwisana nenyaya iyi.
Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachishanda paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti, vaudza Studio 7 kuti zviri pachana kuti zviri kuitika izvi zvinechekuita nenyaya dzehutungamiriri muZanu PF.
Kunyange hazvo VaMnangagwa vakataura pachavo kuti vachasiya basa pachapera temu yavo yechipiri, pane chimwe chikwata mubato ravo chiri kuramba chichivakurudzira kuti varambe vari panyanga kusvika 2030.
Vanhu vari kuti VaMnangagwa varambe vari mutungamiri wenyaika vanosanganisirawo vanhu vakaita saVamasimirembwa avo vanogara vakabuda pachena vachitsigira Vision 2030.
Asi asi zvinonzi zviri kupikiswa nechimwe chikwata chinotsigira VaChiwenga muZanu PF icho chiri kuti bumbiro remitemo yenyika rinofanira kutevdzwa izvo zvave kukonzera makakatanwa mubato iri.
Your browser doesn’t support HTML5