Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti madzimai akawanda ari kusangana nedambudziko remapundu emuchibereko kana kuti uterine fibroids zvinopa kuti vamwe vanetseke kubata pamuviri, kana kuzvara nguva yemwana isati yasvika pamwe nekurasikirwa neropa.
Dr Chrispen Ngwenya vanoshanda pachipatara cheMayisukume Maternity 24 hours muguta reGweru vanoti mapundu aya anowanikwa muchibereko chevanhukadzi achikanganisa hutano hwavo.
Vati, “Mafibroids mapundu anowanikwa muchibereko chevanhukadzi. Anogona kuita mukati-kati mechibereko, munyama yechibereko kana kunze kwechibereko."
Dr Ngwenya vaenderera mberi vachiti, " Mapundu aya anokonzera kuti vanhu varwadziwe muchibereko, vabude ropa rakawanda pakutevera kana kuti nguva nenguva unenge uchitevera.”
Vatiwo mapundu aya anokwanisawo kuti pamuviri pabve kana kuti munhu atadze kubata pamuviri.
Dr Chinamhora Mutevhe mumwe chiremba vati, “Pavana vadiki vasati vasvika zera rekutevera hatisati taona mapundu aya uye kana vakura vasingachaende anogumawo kukura uye anenge asinganyanyounza matambudziko." Vatizve, "Izvi zvinoreva kuti mapundu aya ane chekuita nemahormones eprostrogen neestrogen zvinoita kuti akure zvobatana nekumhuri kwaunobva, zvekudya uye mamurikuraramira,”
Vayambirawo kuti mapundu aya akasarapwa anogona kukonzera rufu kana akarasikirwa neropa rakawanda vachiti zvakakosha kuongororwa navanachiremba kuti anenge asiiri gomarara here asi vachiti kashoma kuti zvidaro.
VaMutevhe vati kune nzira dzakasiyana siyana dzekurapa mapundu aya zvichienderana nemamiriro anenge akaita muchibereko. Vati imwe nzira ndeye oparesheni.
Asi mumwe akaitwa oparesheni Muzvare Patricia Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti zvakavadhuurira zvakanyanya. Vaudza Studio 7 kuti, “Ini ndakaitwa operesheni yemafibroids."
Asi vatiwo,"Mari dzese dzandakabvisa dzinosanganisira mari yachiremba wekurarisa, chiremba akandiita operasheni, mari dzekutenga ropa dzainanaira kusvika kuzviuru zvitatu zvemadhora ekuAmerica. Iyi imari yakawandisa zvakanyanya zvekuti vanhu vazhinji havagoni kuiunganidza kuti vaitwe maoperesheni,”
Chiremba uye vari mutevedzeri wemukuru wechikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kweruzhinji panyaya dzebonde mubazi rezvehutano, Doctor Lucia Gondongwe, vanoti zvinokonzera mapundu aya hazvizivikanwi.
Vati madzimai anosangana nedambudziko iri anobetserekana nekuitwa maoperation kana kunyungudutswa mapundu aya nemishonga.
John Hopkins Medicine inova imwe yezvikoro zvekuAmerica zvinoita tsvakiridzo munyaya dzehutano inoti madzimai ari pakati pezvikamu makumi maviri nemakumi mashanu kubva muzana achiri pazera rekuzvara ane mapundu aya.
Chikoro chepamisoro ichi chinotiwo zvikamu makumi manomwe nezvinomwe zvemadzimai kubva muzana zvinoita mapundu aya. Johns Hopkins rinoti mapundu aya anogona kuva ari mumhuri kana kuti family history.
Madzimai ane miviri yakakurisa nevanechirwere chemoyo kana kuti High Blood Pressure ndevamwe vari panjodzi yekuita mapundu aya. Madzimai echitema ane dambudziko guru rekubatwa nechirwere ichi.
Your browser doesn’t support HTML5