VaMnangagwa Vokorokotedza FRELIMO Nekukunda Sarudzo Mavhoti Asati Apera Kuverengwa

Mutungamiri wenyika yea Mozambique VaFilipe Nyusi nemutungamiri wenyika VaMnangagwa

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vakorokotedza bato reFRELIMO rekuMozambique, vachiti rakakunda zvine mutsindo musarudzo dzakaitwa musi wa9 mwedzi uno.

Asi kuverengwa kwemavhoti kuri kuenderera mberi muMozambique zvakatyamadza vezvematongerwo enyika kuti VaMnangagwa vaziva sei akakunda.

VaMnangagwa, avo vanove zvakare sachigaro we SADC, vataura mashoko aya pamusangano we Politburo yebato ravo uyo waparura musangano wepagore weZanu PF.

VaMnangagwa vat, “Ndinoda kukorokotedza shamwari yedu FRELIMO uye nemutungamiriri wenyika achangobva kusarudzwa,VaDaniel Chapo nekukunda musarudzo zvine mutsindo.” Vaenderera mberi vachiti, “Zanu PF yakagadzirira kusimbaradza hushamwari hwayo hwakabvira munguva yehondo hwekubatana uye senyika.”

Mutungamiri weFRELIMO VaDaniel Chapo ndivo vakatungamira mumatunhu apedza kuverengwa mavhoti.

Asi, VaMnangagwa havanawo chavataura pamhirizhonga iri kuitika muMozambique uko vanhu vakawanda vari kuratidzira senzira yekusafara kwavo nemafambisirwo akaitwa sarudzo uye kuurayiwa kwenhengo dzebato rinopikisa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Sarudzo dziri kushorwa zvikuru nevanopikisa muMozambique neEuropena Union kana kuti EU. Sangano reEU rinoti kuverengwa kwemavhoti hakuna kufambiswa zvakanaka uye zvanga zvisiri pachena kubva panzvimbo dzekuvhoterwa kusvikawo kwaiunganidzwa mapepa ekuvhota uko rinoti zvakabuda musaradzo zvaishandurwa shandurwa.

Vaimbova mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa muZimbabwe, cheCitizens Coalitions for Change, VaOstalos Siziba, vati Zimbabwe senyika inova sachigaro weSADC inofanirwa kutevedzera mitemo yegungano iri isina divi rayakarerekera.

“Isu chatinoitarisira ndechekuti SADC inofanira kutevedzera zvibvumirano zvakanyorwa pasi zvekuti sarudzo dzinofambiswa sei,” VaSiziba vaudza Studio 7.

Vatiwo, “Kana nyika yatadza kutevedzera izvi inofanira kuudzwa nekuti kana tisina kutsiurana isu sehama muSADC, tinozonyara kana tava kuenda kumisangano yepasi rose nenyaya yedu yekusagona kuita sarudzo dziri pamutemo.”

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaLazurus Sauti, vati hazvishamise kuti VaMnangagwa sasachigaro weSADC, vamhanya kuita makorokoto kuna VaDaniel Chapo sarudzo idzi dzichine mutauro nekuti ivo pachavo vane pfungwa dzekuita chirwira ingwe FRELIMO semapato akarwa hondo yekusunungura nZimbabwe neMozambique. Vati, “Izvi zvinotiratidza kuti SADC igungano reshamwari dzinogara pamwechete dzichizevezerana kuti dzoita sei kuti mapato akarwa hondo akakunda akatanga kutonga nyika dzawo dzakasiyana siyana arambe ari pachinzvmbo chekutonga.”

Kunyange VaMnangagwa vasina chavataura panyaya yemhirizhonga iri kuitika kuMozambique, sachigaro weAfrican Union Commission, VaMousa Faki Mahamat, vashora zvikuru mhirizhonga iyi, uye vakurudzira mapurisa kuti aiferefete zvakazara.

Panyaya yemusangano mukuru wepagore weZanu PF, VaMnangagwa vatenda zvikuru komiti yevanhu vakaronga musangano uyu kuBulawayo.

Vati Politburo yebato ravo ichazeya gwaro reCentral Committee mangwana.

VaMnangagwa vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti dziiti musangano uyu murunyararo.

Musangano wepagore weZanu PF unobuda negwara rinoshandiswa nebato iri kwegore rinotevera, uye wakakosha nekuti zvinenge zvabvumiranwa mubato iri ndizvo zvinozoitwa mukufambisa zvinhu munyika sezvo Zanu PF iri iyo yakaumba hurumende zvichitevera zvakabuda musarudzo dzakaitwa gore rapera..