Mutungamiriri wenyika uye vari zvakare mutungamiriri webato riri kutonga reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa vari kuyambira vavanoti vari kuda kukonzera kusagadzikana mubato ravo kuti vasiye tsika yekurwisanisa vanhu.
Kubva vamwe mubato iri zvavatanga kuvakurudzira kuti vatonge kusvika madhongi amera nyanga, pabva patanga kuita kukandirana makobvu nematete vamwe vachiti vanofanira kuenda pamudyandigere vosiira mumwe mutevedzedzeri wavo VaConstantino Chiwenga chigaro.
Vachitaura pamuzinda webato ravo muHarare pamusangano weCentral Committee uri kuitwa pamberi pemusangano wepagore wepato iri kana kuti “annual conference”, VaMnangagwa vati, "Tinofanira kugara takavhura maziso edu tichichenjerera mhesvamukono dziri mumusangano medu kuti tivaratidze gwara remusangano pasina kutya.”
Vaenderera mberi vachiti, “ Tinofanira kugadzirisa matambudziko ari mumusangano medu kwete kuputsa uyewo tinofanira kukurudzira kutevedzwa kwebumbiro remutemo negwara remusangano.”
VaMnangagwa vatizve, "Sebazi remusangano rakakosha, ibasa reCentral Committee kuti nhengo dzese dzabato reZanu PF dziri kufamba mugwara remusangano. Musangano wedu weNational People's Conference unofanira kurangaridza nhengo dzese dzebato reZanu PF kubva kumamisha kusvika kumusoro kuti musangano wedu haumisike uyewo kugona kuronga nekutungamira musangano,"
Mubato iri maita makakatanwa akanyanya nekuda kwevamwe vari kuti dai bumbiro remitemo renyika ravandudzwa kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga.
Bumbiro remitemo rinoti munhu anoita mutungamiri wenyika kwemakore gumi chete. Mamwe matunhu akawanda ebato iri akatopa kurudziro yekuti bumbiro rivandudzwe.
Asi VaMnangagwa pachavo vakati munhu anotevedzera mitemo uye vari kuda kuti panopera temu yavo voenda pamudyandigere.
Asi havana zvavari kutaura kumisa vamwe vemubato ravo vakaita segurukota redunhu reMidlands VaOwen “Mudha” Ncube vari kuti VaMnangagwa vanenge vachitungamira kusvika muna 2030.
Vamwe vari kuti VaMnangagwa vasiire VaChiwenga vakaita saVaMunyaradzi Shoko vanoti vave muhupoteri vachityira hupenyu hwavo.
Asi imwe nhengo dzebato iri dzakaita saVaDavid Masomere vakaudzawo Studio 7 kuti hapana chakaipa kuti VaMnangagwa vaenderere mberi nebasa.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniveristy of Zimbabwe, VaLazarus Sauti, vati mashoko aVaMnangagwa ekukurudzira nhengo dzebato ravo kutevera bumbiro remutemo negwara remusangano wavo akanaka chose.
Asi, vatiwo, kusatsiura kuri kuita VaMnangagwa nhengo dzebato ravo dziri kuti varambe vari pachigaro kusvika muna 2030 zvinova zvinopesana nebumbiro remutemo, zvinotaridza kuti havasi munhu anotaura chokwadi.
VaSauti vati, "Tikatarisa VaMnangagwa havasi kutsiura nhengo dzeZanu PF dzinotaura kuti varambe vachitonga kudarika makore akatarwa nebumbiro remutemo kusvika muna 2028.” Vatiwo, “Izvi zvinotiratidza kuti havasi munhu wechokwadi kana takatarisa nyaya dzemutmo muZimbabwe," mazwi aVaSauti.”
Vaimbove mumiriri weNational Assembly kuZengeza West kuChitungwiza uyewo vari sachigaro weNational Democratic Working Group, VaJob Sikhala vati mashoko aVaMnangagwa anoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato ravo. VaSikhala vayambira havo vanhu kuti, "Zvinhu zveZanu PF kana mukaona vachirwisana kana kuburitsirana mapfumo mumusha mavo, ndezvekungotarisa nekuti kazhinji kacho vanenge vachida kushandisa vana veZimbabwe sezvavakaita mugore ra 2017.”
Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mudzidzisi paUniversity of Swaziland, VaHenri-Count Evans, vaudza Studio 7 kuti nyaya yemakakatwana ari muZanu PF ichapa kuti vakawanda vanyanye kunetseka sezvo pasina ari kutarisa kusamira zvakanaka kwehupfumi. VaEvans vati, "Tiri kuona kuti vaviri ava pavari kurwisana kana kuti bato iri pariri kurwisana mukati maro, nyika iri kusara isina anotarira.” Vatizve, “Makakatanwa aya paanenge achienderera mberi muZanu PF tinosara tisina nguva yekutarisa kuti hupfumi hwedu huchavandudzwa sei.”
Nhengo dzeZanu-PF dziri kutarisirwa neChina kutanga kuenda kuBulawayo uko kuchaitirwa musangano mukuru wepagore kana kuti “Zanu PF Annual National People’s Conference” uchapera nemusi weSvondo.
Musangano wepagore uyu uri kuitirwa kuZimbabwe International Trade Fair Grounds uri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekusimudzira hupfumi kusvika muna 20230 kana kuti, “Industrialise and Modernize Towards the Attainment of Vision 2030’