Consumer Protection Commission Yotorera Matanho veZvitoro Vasiri Kushandisa Michina yeKutambira Makadhi ekuBhanga

  • Jonga Kandemiiri

Zvimwe zvitoro zvinonzi zviri kuti michina yakafa.

Senzira yekuchengetedza nayo vatengi, komisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwevatengi, yeConsumer Protection Commission, yakazivisa kuti yave kutorera matanho vezvitoro nemabhizimusi vasiri kushandisa michina inotambira makadhi ekumabhanga.

Izvi zvinonzi zviri kuzomanikidza vatengi kushandisa mari yekubata mumaoko, vamwe vezvitoro vachinzi vanenge vochitoti vanoda mari yekuAmerica chete.

Vachitaura neStudio 7, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko pamwe netsvakurudzo muConsumer Protection Commission, VaKudakwashe Mudereri, vanoti vatora danho iri nekuona kuti kune vamwe vemabhizimusi vari kuramba makadhi ekumanga.

Vanoti vezvitoro ava vari kuti michina yavo inotambira makadhi yakafa senzira yekuti vaunganidze mari yekuAmerica vachiramba mari yemunyika, zvinove zvinotyora mutemo weConsumer Protection Act Section 51 (h).

VaMudereri vanoti vachatanga chirongwa ichi vachipinda munzvimbo dzinotengeswa mafuta ekufambisa dzimotokari, umo vanoti makaonekwa kuti ruzhinji rwavo harwushandise michina iyi, kunyange hazvo vachitengesa nemadhora ekuAmerica chete.

Vanoti mabhizimisi achawanikwa ari kune rimwe divi remitemo achatorerwa matanho akaomarara anoenderana nemutemo wenyika, vachiti vari kuyambira vemabhizimusi ava kuti vasarambe vachityora mutemo sezvo pave nekomisheni inochengetedza kodzero dzevatengi yakaumbwa zviri pamutemo.

Michina yekutambira mari nemakadhi ekumabhanga muchitoro.

Mutungamiri wesangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti sesangano kurudziro yavo ndeyekuti vezvitoro vose vange vaine michina inotambira makadhi ekumabhangi iyi kuitira kuti vatengi vasanetsekana kana vachishandisa makadhi ekumabhanga pamwe nemari dzemumafoni, kunyanya mari ye ZiG.

VaMutashu vanotiwo panofanirwa kutsvagwa nzira dzekuti mari yeZiG isangomuka ichinzi yapera simba, vachiti izvi zvinozoita kuti veruzhinji varambe vachishaya chivimbo nemari yemunyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kubudirira kwedanho reConsumer Protection Commission iri kunoti netseyi sezvo panenge pasina vanhu nguva dzose vanenge vachizoona kuti vemabhizimusi ava vari kutevedzera here kurudziro iyi.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reAfrica Centre for Economic Justice, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, vanoti vanofunga kuti pasati patorwa matanho akaita seiwaya panofanirwa kutanga paonekwa kuti chii chiri kukonzera kuti vemabhizimusi vatore danho irori rekuramba kutambira makadhi ekumabhanga.

Ukuwo, vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti vanotambira nemufaro danho iri sezvo richirerutsira veruzhinji kuti vasamanikidzwa kufamba vakatakura mazakwatira emari nguva dzose uye mutemo wenyika unopa munhu wese kodzero dzekuve nesarudzo yekushandisa nzira dzavanoda kubhadhara.

VaMudereri vanoti komisheni yavo iri kukurudzira veruzhinji kuti vamhan’are kukomisheni yavo vose vemabhizimusi vari kutyora mutemo uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jonga Kandemiiri weStudio 7