Mwana Ane Makore Gumi neMatatu (13) Opofomadzwa neChirwere cheGanda Chisingarapike

Blessmore Kambuzuma

Pane mwana ane makore gumi nematatu ekuberekwaBlessmore Kambuzuma ari kutambura nechirwere cheganda icho vana chiremba vari kuti hachirapiki. Nepamusana pechirwere ichi haachakwanise kuenda kuchikoro.

Asi kunyange hazvo aine chirwere cheganda chakamupa hupofu, Blessmore haamboratidze kusava nemufaro nekuda kwedambudziko iri. Mukomana uyu anotovaraidza nguva muguta reHarare aina amai vake achiridza zvingoma zvaanenge anazvo nemimhanzi yemuimbi ane mukurumbira, Aleck Macheso, achitoimba hake ari mumigwagwa yemuHarare apo amai vake vanenge vachitengesa zvinhu mumigwagwa iyi.

Amai vemwana uyu, Amai Senzeni Kambuzuma, vanoti dambudziko ravakatarisana naro rinotova rehupenyu hwese sezvo vanachiremba vakavaudza kuti hurwere hweganda remwana wavo haurapike.

Vaudza Studio 7 kuti, “Ndakaenda kunana chiremba vakati chirwere chake cheganda hachirapike, asi ane mishonga yaanofanira kumbozora yekuti ganda rake risanyanya kurohwa nezuva uye risanyanya kumuvava.' Vatizve, "Rubatsiro rwandinoda nderwekuti agare aine mishonga yake. Dzimwe dzenguva togona kushaya mari yekuitenga.”

Imwe nyanzvi munyaya dzehutano, Dr Josephat Chiripanyanga, vanoti chirwere cheganda chakadai hachirapike sezvo munhu achiberekwa aine chirwere ichi, uye chinoda kubatwa zvakanaka kuitira kuti chisaite hukasha kumunhu anenge anacho.

Vati, “Chirwere cheithiosis chirwere chatinoona chinowanikwa kuvanhu vanemazera akasiyana siyana." Vaenderera mberi vachiti, "Kazhinji chinotanga munhu achrimudiki. Vamwewo chinozovatanga vatikurei. Zvirwere zvokuti unozvarwa unazvo zvinobva kuvabereki zvichidzika,”

Amai Kambuzuma vanoti vanorarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa, uye ndizvo zvinovabatsira kutenga mishonga yekuedza kurapa ganda remwana wavo.

“Nditorarama nekutengesa sezvandirikuita izvozvizvi kuti ndikwanise kuwana chikafu, mari yepekugara nemishonga yake yekuzora,” Amai Kambuzuma vaudza Studio 7.

Amai Kambuzuma vanotiwo, “Aienda kuchikoro, asi ndakazosvika pakukundikana kuchimuendesa kuchikoro nekuda kwekuti ndinenge ndichida kutenga mushonga, kuchikoro kunenge kuchidiwa mari." Vatiwo, "Kuchikoro kwacho anga asina zvakakwana sezvo asingaoni,” vakadaro Amai Kambuzuma.

Amai Kambuzuma vaudza Studio 7 kuti, “Nababa vake takasiyana, pakutanga ndakazvara mwana ane hurema humwechete, saka vakatadza kuzvigamuchira mumhuri mavo ndokubva vandiramba vachiti ndiri kuzvara zvirema."

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvehutano pamusoro pedambudziko rakatarisana naBlessmore, sezvo mutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri vange vasingadaire nharembozha yavo.

Asi sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu zana nemakumi manomwe nevatatu vakafa mugore ra 2020 muZimbabwe, ndufu idzi dzichikonzerwa nezvirwere zveganda.