Shasha yeMutambo weKobudo, Mashaya, Orasikirwa neMukombe wePasi Rose

  • Michael Kariati

Mutambi weKobudo, Sensei Wilfred Mashaya.

Mutambi wemartial arts, Wilfred Mashaya, akarasikirwa nemukombe wake wepasi rese weKobudo World Weapons Champion asina kupinda munhandare mushure mekutadza kuenda kunodzivirira mukombe uyu kumakundano eInternational Combat Organisation World Martial Arts Championships kuGermany.

Vatambi veZimbabwe gumi nevanomwe vaifanira kuenda kuFrankfurt kuGermany kumakundano eInternational Combat Organization World Marshal Arts Championships svondo rapera, asi vakakundikana nemhaka yekunonoka kuwana magwaro avo ekupinda muGermany mushure mekumboshaikwa kwemari yekufambisa.

Mashaya, uyo anove mukuru weZimbabwe Ninja, iyo yaiendesa vatambi kuGermany, anoti vakanonoka kuendesa magwaro avo ekufambisa.

"Nyaya yemavhiza ndiyo yakatitadzisa kuti tiende tinokwikwidza kuGermany. Chakaitika ndechekuti hatina kukwanisa kuwana mavhiza nenguva yaitarisirwa," anotaura achidaro Mashaya.

Shasha yeKobudo, Sensei Wilfred Mashaya

Kumakundano aya Mashaya anoti aifanira kudzivirira mukombe wake uyo akatora kuEngland muna 2023, asi mukombe uyu wakazorwirwa nevamwe iye asipo.

"Title iyoyi, sezvo tisina kukwanisa kunoyi defender title yacho, inenge yakatorwa nevamwe. Asi tinoshuwira kuti gore rinotevera ramangwana tikabudira kuenda tichazama nepatinogona napo kuti tiidzorere panzvimbo," anovimbisa Mashaya.

Mutambo weKobudo uri mugungano rimwe chete nemitambo yemartial arts yakaita seKarate, Taekwondo, Wushu, Kickboxing, Ninjutsu, Kung-fu, neJudo asi iwo uchishandisa zvombo zvakasiyana-siyana.

Mashaya, uyo ane bandi re5th dan black belt mumutambo weOkinawan Kobudo, anoti vatambi vechidiki vaaifanira kuenda navo vakarasikirwa zvikuru nemukana wavo wekutanga wekuve pamakundano epasi rese aya asi havasi kuora moyo nazvo.

"Munoziva kuti kana munhu wakatarisira kuti uri kuda kuita chakati, chotadza kuitika, zvinombokanganisa,"anodaro Mashaya.

Mugwaro ravakatenderedza, Zimbabwe yaifanira kuendesa kuGermany kwekare vatambi vechidiki vasere pachikwata chevatambi gumi nevasere vaienda kumaWorld Championships uku.

Vincent Fambira

Mumwe wevatambi vaifanira kunokwikwidza kumakundano aya, Vincent Fambira, anoti akabatikana zvikuru nekutadza kuzadzikisa rwendo urwu.

"Ndiri kunzwa kubatikana nekurwadziwa zvakanyanya kuti takakundikana kunokwikwidza kumitambo yekuGermany yaikwikwidza nyika dzepasi rese. Asi zvakadaro, ndiri kutora mukana uno kuzvisimbisa kuti takawana mukana wekuti tiwedzere kugadzirira kuitira mimwe mitambo iri kuzouya kumberi," anotaura Fambira.

Fambira anoti ari kutarisira kuti zvakakanganisa rwendo rwakakosha urwu zvichigadziriswa pakushanya kuchatevera

Mutambi wechidiki ane mukombe weMr Zimbabwe Novice wemutambo we bodybuilding, Spencer Mutonha, uyo ari kugadzirira kuenda kuZambia kunokwikwidza, anoti zvinorwadza kuraisikirwa nemukana wakadai wapedza nguva refu uchigadzirira.

Mutambi weBody Building, Tinotenda Spencer Mutonha

"Chinhu chinonzi sport muno muZimbabwe chinoda zvakawanda. Mamwe acho ma sacrifice kuti ukwanise kuve uchinokunda. Asi kuzotadza kunokwikwidza zvinorwadza."

Mashaya, uyo akatora mukombe weZimbabwe Sportsperson of the Year muna 2018, anoti chinangwa chake ndechekuti kobudo itambwe kumativi mana ese enyika uyezve iite mukurumbira semitambo yakaita senhabvu.

Anoti iye nevatambi vake vave kugadzirira makundano akasiyana siyana achaitirwa kuColombia, Malta, England, nekuWales gore rinouya vachiedza kunzvenga zvakakanganisika parwendo rwavo rwekuenda kuGermany.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi re Sports and Recreation Commission sezvo mukuru wekomisheni iyi, Muzvare Elleta Nengomasha, vasina kupindura mibvunzo yedu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Michael Kariati