Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vari kunze pamhosva yekuungana zvisina mvumo yavari kupomerwa, vanoti vaibatwa zvisina kunaka pavaive vari muhusungwa vakamirira kutongwa. Vangarivhume, avo vakasungwa musi wa 2 Nyamavhuvhu vakagara mujeri reChikurubi Maximum kwenguva ingada kusvika mwedzi mitatu, vakazoburitswa mujeri nemusi weChina svondo rapera mushure mekubhadhariswa nedare mari yechibatiso inoita zana remadhora ekuAmerica.
Vanotiwo vakatarirwa nedare kuti vange vachigara pakero yavakanyoresa, kuzviratidza kumapurisa eku Waterfalls Chishanu choga choga pamwe nekuti vasashandisa Twitter account inonzi JNgarivhume, iyo vanoramba kuti ndeyavo.
“Haa, husungwa inguva yakaoma VaKandemiiri. Isu sema political prisoner, zvikuru sei veku opposition, tinonga tichibatirirwa zvakanyanya. Hongu tinavo vemumajeri imomo vaiedza kuwirirana nesu, nekusateerera zvavanenge vanzi vatiitire. Ndinoda kuvatenda kwazvo nekubatirana nesu. Asi haa, muusungwa manga makaoma,” vanodaro vaNgarivhume.
VaNgarivhume vanoti vakarasikirwa nezvinhu zvakawanda kwazvo munguva yose yavanga vari mujeri vakamirira kutongwa, zvinosanganisira kuve nemhuri yavo, kuenda mberi nezvidzidzo zvavo pamwe nekushandira nyika.
“Ndakarasikirwa nenguva yekuve nemhuri yangu. Musi wandakasungwa mwanasikana wangu aivepo, ane makore gumi nemaviri, 12 yeqars. Ndakasungwa aripo ndakamusiya achichema zvakanyanya.”
VaNgarivhume vanoti vari kutarisira kudzokera zvakare kudare musi 15 Mbudzi kuti vanopiwa zuva rekuti vatange kutongwa.
Asi vanoti kana kuri kunzi havana kupiwa zuva iri magweta avo anobva anyorera kuti vabviswe pakuramba vakamirira kutongwa kana kuti remand vachiti hurumende inenge iri kuratidza kuti haina humbowo hwekuratidza dare kuti zvechokwadi vakapara mhosva yavari kupomerwa.
Vari kupomerwa mhosva yekuungana nevamwe kumba kwemutungamiri wechimwe chikwata che CCC, VaJameson Timba, musi wa 16 Chikumi, inove mhosva yavari kuramba vachiti havana kumbobvira vasvika kumba kwaVaTimba uye hurumende inozviziva kuti havasi nhengo yebato reCCC.
Your browser doesn’t support HTML5