Consumer Protection Commission Yotevera Vezvitoro Vari Kutengesa Zvinhu zveNhema neZvisina Huremu Chaihwo

  • Jonga Kandemiiri

Consumer Protection Commission inoti vamwe vezvitoro vari kutengesa zvinhu zvenhema.

Komisheni inochengetedza kodzero dzevatengi muZimbabwe, yeConsumer Protection Commission, inoti yave kutorera matanho vezvitoro vari kutengesa zvinhu zvisiri chaizvo, zvinganzi muChirungu fake products, pamwe nezvinenge zvisina huremu hwakatarwa nemutemo, kana kuti underweight.

Mutauriri wekomisheni iyi, VaKudakwshe Mudereri, vanoti vari kushanda pamwe nebazi rezvemaindasitiri, kana kuti Industry and Commerce, vachishandisa mutemo weTrade Measures Act.

VaMudereri vanoti zvinhu zviri kunyanya kutengeswa zvisiri zvechokwadi sezvinenge zvakanyorwa pamapakiti zvinosanganisira mupunga, mbeu dzechibage, nezvimwe zvekudya, uyewo nezvekupfeka.

Vanotiwo vari kunyanya kutengesa zvinhu izvi ndevemusika kuMbare pamwe nevezvitoro zvidiki. Asi vanoti danho guru nderekusunga vari kudhinda tsapo dziri kuisirwa zvinhu izvi.

Panyaya yezvitengeswa zvinenge zvisi huremu chaihwo, VaMudereri vanoti zviri pamberi chingwa neshuga.

Vanoti pamutemo chingwa chinofanirwa kunge chichirema magiremu mazana manomwe, asi zvavari kuwana mukufamba kwavari kuita zvinoratidza kuti chimwe chingwa chiri kutengeswa chine huremu huri pasi chaizvo.

Vanoti vachabatwa vachityora mutemo uyu vachabhadhariswa mari yefaindi kana kukandwa mujeri kana kupiwa mutongo wezvose zviri zviviri, uye vari kukurudzirawo veruzhinji kuti vamhan'gare kukomisheni yavo vose vavanoona vachityora mutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKudakweshe Mudereri