Nyanzvi munyaya dzehutano dziri kukurudzira kuti vanhu vavhenekwe chirwere chegomarara kamwechet pagore kuti chirwere ichi chikwanise kurapwa chisati chakomba.
Mwedzi waGumiguru, mwedzi unoshandiswa pasi rose kuyeuchidzana vanhu pamusoro pechirwere chegomarara repamazamu, kana kuti Breast Cancer Awareness Month.
Ongororeo dzakaitwa nenyanzvi dzinoratidza kuti vanhukadzi vakawanda, vanozoenda kunovhenekwa chirwere ichi chatokamba zvinozoita kuti chinetse kurapa.
Mumwe wevanhu vakabatwa nechirwere ichi, mutori wenhau, Ropafadzo Mapimhidze, uyo anoti zvisinei nekuti anga ave nemakore akawanda achinyora nyaya dzehutano kusanganisira dzezvirwere zvegomarara, paakabatwa gomarara repazamu muna Nyamavhuvhu gore rapera akavhunduka pamwe nekutya zvikuru.
Mapimhidze anoti akazobviswa zamu raive negomarara iri muna Gumiguru gore rapera.
Asi anoti, "Kurapwa gomarara repazamu kunodhura zvekuti dai ndandisina kubhadhara neinsurance ndingadai ndakabhadhara mari inodarika $2000 kungoongororwa chete."
Aenderera mberi achiti, "Ndaongororwa kekutanga, ndakazonzi kunoda kuongororwa zvakare kuti gomarara iri rakomba zvakadii, ndikaongororwawo mamiriro echiropa changu pamwe neitsvo zvinova zvaidhuura zvakanyanya,"
Nyanzvi muzvirwere zvegomarara vachishanda nesangano reCancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa, vanoti dambudziko regomarara repazamu rakakura zvakanyanya..
Vati, "Tsvakurudzo dzakaitwa neCancer Registry inova pasi pebazi rezvehutano anoratidza kuti zvikamu zvisere (8%) kubva muzana vanga vane gomarara rezamu zvichitiratidza kuti idambudziko guru munyika."
Vaenderea mberi vachiti, " Gomarara iri rinonyanyobata madzimai kupfuura varume kunyangwe varume vachigona kuita gomarara iri." Vati, "Tsvakurudzo iyi inoti muna 2019 Zimbabwe yakave nevanhu zviuru zviviri nemazana mana negumi nevatanhatu (2416) vakafa negomarara.
Gomarara remazamu ranga riri zvikamu zvinomwe kubva muzana mukuuraya," vakadaro VaMakurirofa.
VaMakurirofa vanoti zvakakosha kuti dzidziso dzegomarara repazamu dzirambe dzichiitwa kuitira kuti rikurumidze kurapwa risati rakomba
Vati, "Tinofanirwa kucherechedza gomarara remazamu iri mwedzi uno tichidzidzisa vanhu nezvekurapwa pamwe nekudzivirira gomarara iri."
Vaenderera mberi vachiti, " Kazhinji kacho gomarara rinozowonekwa pave paya rapararira nemuviri zvinobva zvapa vanachiremba dambudziko guru rekurapa chirwere ichi huye mukana wekuchirapa chichipera unobva wadzikira nekuti gomarara iri rinenge rakanganisa dzimwe nhengo dzemuviri," vanokurudzira VaMakurirofa.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, sezvo bazi rezvehutano risina kupindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.
Asi munguva shoma yapfuura, nyanzvi muchirwere chegomarara uye vari vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru anoona nezvezvirwere zvisingatapuriranwe mubazi rezvehutano, VaLee Nkala, vakati zvakakosha kuti vanhu vaongororwe gomarara.
Vakati kuongororwa kunobatsira kuti chirwere ichi chibatwe chisati chakomba vachiti vanhu vanorwara negomarara vakawanda vanoenda kuzvipatara gomarara rakomba.
Vakaudza Studio 7 kuti, "Ongororo dzebazi rezvehutano dzinoratidza kuti zvikamu makumi masere zvevanhu kubva muzana vanorwara nemagomarara vanoenda kuzvipatara gomarara rapararira nemuviri."
"Saka zvakakosha kuti gomarara iri rionekwe risati rapararira nekuti zvinenge zvirinyore kurirapa," VaNkala vakaudza Studio 7.
Nyanzvi dzehutano dzinoti chirwere ichi chirii kubatawo vanhurume, uye vari kukurudzirwa kuti vapote vachivhenekwawo chirwere ichi kuitira kuti chibatwe chisati chakomba.
Gwaro reZimbabwe National Cancer Registry 2019 Annual report rinoratidza kuti gomarara rakanyanyobata vanhukadzi munyika igomarara repamuromo wechibereko rakasvika pazvikamu makumi maviri nezviviri kubva muzana, richitevererwa negomarara repanhengo yevarume rine zvikamu gumi nechimwe kubva muzana kwozouya gomarara repazamu rine zvikamu zvisere kubva muzana.
Global Cancer Observatory inoti muna 2020 muZimbabwe vanhu zviuru gumi nezvitanhatu nemakumi masere nevatatu vakabatwa nechirwere ichi, uye vanhu zviuru gumi nemazana matanhatu nemakumi manomwe nevatanhatu, vakafa nechirwere ichi mugore iri.
Your browser doesn’t support HTML5