VaTrump naAmai Harris Votanga Kupeta Hurongwa Hwekutsvaga Rutsigiro America Yatarisana neSarudzo

Amai Kamala Harris naVaDonald Trump

Vari kukwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica vakaita misangano yekutanga yekupendera hurongwa hwekutsvaga rutsigiro musarudzo iri kuitwa svondo rinouya nemusi weChipiri.

Vari kukwikwidzan ava, VaDonald Trump vebato reRepublican Party naAmai Kamala Harris veDemocratic Party vave kuita sevanhu vari kuchuchisa nyaya mudare vachikumbira vanhu kuti vape mutongo kuti ndiyani anokwanisa kutungamira nyika. VaTrump vakati, “Mungati muri pari nani here?

VaTrump vakataura mashoko aya kuMadison Square Garden kuNew York vachitaura nenyaya yevanopinda munyika vasina magwaro uye mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

VaDonald Trump

VaTrump vakaudza vatsigiri vavo kuti, “Kamala Harris auraya mushandi." Vakaenderera mberi vachiti veDemocratic Party, “ Vapedza makore akawanda vachivaka dzimwe nyika, vachirwira kudzivirira dzimwe nyika."

Vakatizve, "Iko zvino tichange tokwanisa kuvaka nyika yedu, kuvhara mabhodha edu uye kuchengetedza zvizvarwa zvenyika yedu. Iyi ndiyo inonzi America kutanga.”

Nhandare inopinda vanhu zviuru makumi maviri yeMadison Square Garden yainge yakazara uye vamwe vanhu vakatorarapo kuti vakwanise kupinda.

Achitaura nenhepfenyuro yeWABC, Virginia Avery anoti, Zvakanaka hazvo kuva nemunhu waunotarisirawo muhupenyu, ndine chivimbo hangu kuti VaTrump vachabata basa nemazvo muhurumende nekudyidzana nedzimwe nyika.”

Mumwe akataura pamusangano uyu ndiNazim Karim uyo anoti Trump, “Munhu anotaura zvaanofunga, haaite zvekunyepera zvaasiri, izvi ndozvandinofarira.”

Muzvare Carol Vasquez vanoti, Ndinoona VaTrump vachitiendesa pachidanho chepamusoro.”

Amai Harris

Kupa divi ravo nezuro, mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Harris vakasarudza kuenda paEllipse muWashington DC pedyo nemuzinda weWhite House- imba ichagara anenge akunda pakati pavo naVaTrump. Amai Harris vakati “Yave nguva yehutungamiri hutsva huchiri kutemwa dzinobva ropa muAmerica.”

Vakatiwo Yave nguva yekuti titange zvitsva tisiyane nezvekunetsana nekurwisana."

Vakatizve, " Ndichadzika mutemo wekumisa vemabhizimisi kungowedzera mitengo zvisina kufanira. Ndichadzikisa mutengo wemushonga wechirwere cheshuga nekuderedza mari inobhadhara nevanhu kana vachida kurapwa.”

Zviuru nezviuru zvevanhu zvainge zviri pamusangano uyu. Mumwe ange ari pamusangano uyu ndiAngela Coleman. Anoti, “Mudzimai wekutanga kutungamira nyika—ndoda kuona zvakadaro zvichiitika ndichiri kurarama”

Deavid Demattia ange ari pamusangano waAmai Harris anotiwo, “Ndiri ngochani yechirume, asi ini pachezvangu, ndoda kuchengetedza kodzero dzangu”

Alicia Rau anotiwo anotsigira Amai Harris nekuti munhu Anoremekedza kodzero dzemadzimai dzekuti abvise pamuviri, kodzero yemudzimai kusarudza zvaanoda, ndinofunga akasarudzwa achaona kuti madzimai haazorambdzwe kubvisa dumbu muAmerica.”

Pachitariswa kuti sarudzo idzi mangange chaiwo, zvinogona kunetsa kuti zvizivikanwe kuti ndiyani anenge akunda nemusi weChipiri Manheru. Mune mamwe matunhu, vamwe vanhu vatotanga kuenda kumatare panyaya yekuti mavhiti achaverengwa sei uye kuti ndiyani akakodzera kuvhota.

Nyaya iyi yatumirwa naCarolyn Presutti VOA News mukaiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Zimbabwe Service.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yatumirwa naCarolyn Presutti VOA mukaiverengerwa neBlessing Zulu VOA Zimbabwe