Zviri kubuda musarudzo dzekuBotswana zvinoratidza kuti bato rinopikisa reUmbrella for Democratic Change riri kutungamira mukuverengwa kwemavhoti kuri kuitwa parizvino.
Bato riri kutonga reBotswana Democratic Party riri kutungamirirwa nemutungamiri wenyika iyi VaMokgweetsi Masisi rinonzi harisi kuita zvange zvakatarisirwa.
Asi vamwe vanoti panogona kuumbwa hurumende yemubatanidzwa kana pakashaya bato rinowana zvigaro zvemudare reparamende makumi matatu nechimwe (31).
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Feddious Mutenheri mukuru wechikoro cheLivingstone Kolobeng College kuBotswana vanoti kana pakashaya anowana zvigaro zvinodiwa panogona kuitwa hurumende yemubatanidzwa kana kuti sarudzo dzinodzokororwa.
Vamwe vanopikisa vange vatotanga zvavo kupemberera muGaborone kunyangwe zvange zvabuda musarudzo zvange zvisati zvaziviswa. Komisheni inoona nezvesdarudzo muBotswana reIndependent Electoral Commission rinoti rakaita sarudzo dzakachena.
Vari kukwikwidzana naVaMasisi varume vatatu vanoti mutungamiri webato reUmbrella for Democratic Change VaDuma Boko, VaDumelang Saleshando veBotswana Congress Party naVaMephato Reatile veBotswana Patriotic Front. Bato rinenge rakunda nhasi richatungamira nyika kwemakore mashanu anotevera.
Your browser doesn’t support HTML5