Vanhu vemuAmerica vari kuvhota mangwana musarudzo yemutungamiri wenyika. Asi vamwe vanhu mamiriyoni makumi manomwe nemanomwe- 78 million vatovhota sezvo vanhu vachibvumidzwa pamutemo kukurumidza havo kuvhota.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala nevaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vari kuenderera mberi nekutsvaga rutsigiro kunyangwe kwasara zuva rimwe chete chete kuti sarudzo dziitwe.
Amai Harris vanenge vari mudunhu rakakosha rePennsylvania nhasi vachitsvaga rutsigiro kumaguta anoti Allentown, Reading ne Pittsburgh vasati vaenda kungungano rinenge rave nemimhanzi rePhiladelphia.
Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaTrump vaTrump vanenge vari kune rimwe dunhu rakakosha musarudzo yemutungamiri wenyika reNorth Carolina vari mudunhu reRaleigh, vachibvako vanobva vaenda kuPennsylvania vachiita misangano mumadhorobha anoti Reading nePittsburgh, vozopeta kutsvaga rutsigiro kuGrand Rapids, Michigan.
Nezuro Amai Harris vainge vari kuDetroit, Michigan vachitaura pane imwe kereke yeGreater Emmanuel Institutional Church of God in Christ.
“Ndiri kuona nyika yakazvipira kushanduka, ichisiyana nezveruvengo, kusabatana uye kuparura gwara idzva. Mandiri kufamba, vanhu vemuAmerica mumatunhu anotsigira Republican Party neanotsigira Democratic Party akagadzirira kuumba nhoroongo itsva ine hutongo hwakanaka.”
VaTrump nezuro vainge vachitsvaga rutsigiro kuNorth Carolina uko vakaudza vatsigiri vavo kuti vane chivimbo chekuti vachakunda musarudzo.
“Nekuti ndisu takatungamira musarudzo zvakarurama chaizvo, Chatinongoda kuita chete kubuda nehuwandu hwedu nunovhota mangwana. Asi vaTrump vakatiwo vavari kukwikwidzana navo vari kuda kubirira sarudzo.
MuAmerica vanhu vanodarika mamiriyoni mazana maviri kana kuti 210 million vakanyoresa kuvhota muAmerica. Vanoongorora zvesarudzo vanoti achiri mangange chaiwo pakati paVaTrump naAmai Harris.
Kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvine hugaro hwemuAmerica zviri kuvhotawo mangwana zvakaita saGogo Rosemary Vurangu vanogara kudunhu reTexas avo vari kuvhota vachiti vari kutsigira Amai Kamala Harris.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chavewo nehugaro hwemuAmerica hunochipa kodzero yekuvhota chichigara kuTexas ndiMuzvare Tinashe Makoni vanotsigira VaTrump.
Ko ivo VaTrump naAmai Harris vanenge vari kupi mangwana panenge pachiverengwa mavhoti? Amai Kamala Harris vanenge vari muWashington DC paHoward University. VaTrump vanenge vari kuWest Palm Beach kuFlorida. Mapurisa atoenda kunokomberedza nzvimbo mbiri idzi.
Your browser doesn’t support HTML5