America Iri Kuvhota Nhasi Zvinenge Zvabuda Musarudzo Zvichitanga Kuziviswa Manheru Ano

US-VOTE-POLITICS-ELECTION

Vanhu vakawanda vari kuvhota muAmerica nhasi kuti vasarudze mutungamiri wenyika, nhengo dzedare reSenate neHouse of Representatives. Vari kukwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika ndiAmai Kamala Harris vebato reDemocratic Party naVaDonald Trump vebato reRepublican Party.

Mune kamwe kadhorobha kanonzi Dixville, Notch kuNew Hampshire kune vanhu vatanhatu chete, vatsigiri vebato reRepublican party vana uye vasina bato ravakarerekera kana kuti Independent vaviri kane tsika yekutanga paakati pehusiku, Amai Harris naVaTrump vaita mangange vose vachiwana mavhoti matatu.

Amai Kamala Harris naAmai Kamala Harris

Mutevedzeri waVaTrump, Sen. JD Vance vavhota mangwanani kuCincinnati, Ohio, VaTrump vavhota kuPalm Beach, Florida. Amai Harris vakatovhota kare vakatumiravhoti yavo kuCalifornia.

HARRIS TRUMP LATINO VOTE

Musarudzo dzemuAmerica, anokunda musarudzo yemutungamiri wenyika hgaasi munhu anenge awana mavhoti akawanda sezvinoitwa munyika dzakawanda dzakaita seZimbabwe.

Mavhoti emuAmerica anowanikwa zvichienderera nehuwandu vevanhu vari mudunhu.

Semuenzaniso anokunda kuCalifornia anopihwa mavhiti kana kuti electoral votes makumi mashany nemana- 54, Texas ine mavhoti makumi mana-40. DC, Alaska, nemamwe ane mavhoti matatu chete. Matunhu ose abatanidzwa ane mavhoti mazana mashanu nemakumi matatu nemasere-538.

Amai Kamala Harris naVaDonald Trump

Anokunda musarudzo yemutungamiri wenyika anofanira kuwana mavhoti mazana makumi manomwe kana kuti 270 electoral votes.

Vanhu vachingopedza kuvhota, kuverengwa kwemavhoti kunobva kwatanga. Vanhu vakanyoresa kuvhota muAmerica vanosvika mamiriyoni zana nemakumi manomwe kana kuti 170 million.

Nhepfenyuro dzeReuters neIpsos dzinoti zviri kubuda musarudzo idzi zviri kuratidzira kuti amai Harris vari kutungamiri kumadzimai nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana kaan kuti 12% ukuwo VaTrump vari kutungamira kuvarume nezvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti 7%.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu