Apo vemuAmerica Vari Kuvhota muSarudzo yeKutsvaga Mutungamiri weNyika, Nyaya yeHupfumi hweNyika Inonzi Ndeimwe yeZvavaru Kutarisira

  • Jonga Kandemiiri

Vavhoti vakawanda muAmerica vari kuchema nekukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa.

Zvizvarwa zveAmerica zvavhota neChipiri musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende, pamwe nehumwe hutungamiri hwematunhu.

Nyaya yemamiriro ehupfumi hwenyika ndeimwe yezvinhu makumi maviri nezviviri zviri kunzi nevavhoti zvakakosha zvikuru musarudzo idzi, izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zviri kushandiswa nevavhoti mukusarudza mutungamiri wenyika wavanoda.

Mumwe muvhoti wemudunhu rePennsylvania, iro rinove rimwe rematunhu manomwe anonzi akakosha kuti munhu aende kuWhite House, VaNick Mada, vanoti chikuru chavanotarisira kubva kumutungamiri upi zvake achasarudzwa kugadzirisa nyaya dzehupfumi hwenyika vachiti mafuta edzimotokari pamwe nechikafu zviri kudhura zvanyanya.

Izvi zvinotsinhirwa nemumwe muzvinabhizimusi ane motokari dzinotakura zvinhu uyo ati anoda kungoshevedzwa nezita rake rekutanga rekuti David, anove chizvarwa cheZimbabwe achigara mudunhu reTexas riri kuchamhembe kweAmerica.

Mukoma David vanoti vanotarisira kuti sarudzo idzi dzichaburitsa mutungamiri achagadzirisa nyaya yekudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari, ayo vanoti ave kudhura zvakanyanya zvekuti vamwe vavaive navo mubhizinesi rekutakura zvinhu vakatodzosera motokari dzavakanga vakwereta sezvo vakanga vasisakwanise kudzibhadhara.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari mudzidzisi paDeVry University mudunhu re Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kunyange hazvo pakasarudzwa mutungamiri wenyika mutsva haagone kungopinda muhofisi achisvikoshandura zvinhu ipapo ipapo.

Muzvinafundo Masocha vanoti hupfumi hwenyika hunenge huchimbofamba sezvahuri kusvika pazovandudzwa kana kugadzwa mitemo mitsva inoshandura zvinhu.

Sarudzo dzemuAmerica dzagara dzinonzi dzinobata pasi rose munyaya dzezvehupfumi, sezviri kutaurwa nenyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara.

Doctor Chitambara vanoti umakambani emAmerica ari munyika dzakawanda uye nyika iyi ndiyo inobatsira zvakanyanya munyika dzakasiyanasiyana kusanganisira Zimbabwe, nekudaro kushanduka kwemitemo inobata nyaya dzehupfumi kunobatawo pasi rose.

Vanoti kusiyana kwemitemo yehupfumi kana kuti economic policies iri kushambadzwa nevari kukwikwidzana, Amai Kamala Harris veDemocratic Party naVaDonald Trump veRepublican Party kunorevawo zvakawanda kunyika dziri kuwana rubatsiro kubva kuAmerica pari zvino.

Amai Harris vari kutungamidza gwara rehupfumi rekusimudzira kana vakasarudzwa semutungamiri wenyika vachaumba hupfumi hunoshandira vanhu vose, kudzikisa inflation, kudzikisa mitero kumari dzinotambirwa nevashandi vari muboka repakati nepakati, uye kumutsiridza hurongwa hwehurumende yaVaJoe Biden hwekumutsiridza kugadzirwa kwezvinhu munyika izvo zvinozomutsiridza mabasa muAmerica.

Ukuwo, VaTrump vari kushambadza kuti kana vakasarudzwa vachaderedza inflation kuburikidza nekuwedzera mhando dzemoto, kuderedza mitengo yezvinhu zvinodiwa zuva nezuva, kukwidza mitero inobhadharwa nemakambani ekuChina anopinza zvinhu muAmerica, uye kudzikisa mitero inobhadharwa nevemabhizimusi.

Zvasara kuti zvionekwe kuti vavhoti vachatevera gwara aani pavaviri ava, avo vanonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi vose vari kurwira kuti hupenyu hwezvizvarwa zveAmerica huve kwakagadzikana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yesarudzo nezvehupfumi hwenyika