Vatsigiri VaVaTrump Vofara neKukunda kwaVakaita.

VaDonald Trump

Vamirira kugadzwa semutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kutarisirwa kuenderera mberi nezvimwe zvirongwa zvavo zvakare panyaya yehupfumi nekudyidzana nedzimwe nyika.

VaTrump havasi mutsva vetsambo sezvo vakambotungamira nyika yeAmerica kubva muna 2016 kusvika 2020.

Vachitaura nenyaya yekukunda musarudzo VaTrump vakati, “Ndinoda kutenda America nekundipa mukana wakakura wekuti ndive mutungamiri wechimakumi mana nenomwe uye ndakamboitawo mutungamiri wechimakumi mana neshanu.”

Mutsigiri waVaTrump, VaSteve McGuire vanoti, “Ndinofunga vanhu vaneta nezviri kuitika. Vatiwo, " Zvinhu zvose zvawedzera mitengo, zvekudya, mafuta ekufambisa dzimotokari uye dzimba.

Mumwe mutsigiri wavo Amai Alea Webber vatiwo, Ndaifara nezvaiitika makore mana akatungamira VaTrump uye ndiri kuvimba kuti tichdzokera kumakore aya.”

Mushure mekunge VaTrump vakunda musarudzo mushure mekuwana mavhoti mazana maviri nemakumi manomwe kana kuti 270 electoral votes, bato ravo rakabva rakundawo mudare reSenate.

Kutsvaga rutsigiro kwange kwakaoma sezvo VaTrump vakapona kaviri vachida kuurayiwa. Asi izvi hazvina kuvamisa sezvo vakavimisa kuti vacharamba vakamira semusambangwena.

Mumwe mutsigiri wavo Muzvare Renee White ainge akagara kumashure kwaVaTrump pavakapfurwa kuButler, Pennsylvania, uye ange ari kuPalm Beach kumuzinda kwavaTrumpo nhasi ati.

Muzvare Renee White vanotsigira VaTrump vati, Handifunge kuti rwendo urwu rwuchange rwuri nyore. Tinofanira kuramba tichirwa.”

Zvange zvichiita sekunge vatsigiri vaVaTrump vaiziva kuti vachakunda sezvo vange vakapfeka nguwani dzakanzi mutungamiri wechimakumi mana neshanu kumashure uye mutungamiri wechimakumi mana nenomwe kumberi.

Nyaya iyi yatumirwa naCarolyn Presutti, VOA News, mukaiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Zimbabwe Service

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya iyi yatumirwa naCarolyn Presutti, VOA News, mukaiverengerwa neni Blessing Zulu VOA Zimbabwe Service