Vatsigiri vemutambo wenhabvu vemunyika vari kuita chipatapata kuunganidzana kuti vaone kuti vangaende muhuzhinji hwavo here kuSouth Africa kunokuza chikwata chavo cheWarriors mumutambo wacho wakakoshesesa neKenya uriko neChishanu 15 mwedzi uno munhandare yePeter Mokaba kuPolokwane muSouth Africa.
Kana Zimbabwe yakakunda Kenya kana kuita mangange mumutambo uyu inenge yazviwanira tikiti rakakosha kwazvo rekuenda kuMorocco kumafainari emakwikwi eAFCON2025.
Mutevedzeri wemutungamiri wesangano revatsigiri venhabvu reZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaAdamso Mukwasi, vanoti vari kuronga kusimudza mabhazi ane chitsama kubva muZimbabwe achatakura vachakwanisa kuenda kunoona nekutsigira chikwata chenyika mumutambo uyu.
"Tine vemabhazi vatiri kutaura navo, kunyanya mabhazi atagara tichifamba nawo kuti atitakure kuenda kuSouth Africa kuti tiende takawanda takabatana panzvimbo imwechete. PaPolokwane padhuze," vanodaro VaMukwasi.
Vanoti chinangwa chavo ndechekuti vatsigiri veWarriors vasvike muSouth Africa zuva remutambo uyu vachibva vadzoka paunongopera kuitira kuti vanhu vasashandisa mari dzakawandisa parwendo urwu.
Chief Executive Officer wekumahofisi eZIFA, Muzvare Yvonne Manwa, vanoti havaneyi nechekuita nehurongwa uhu nekuti ZNSSA isangano rakazvimirira rega, asi vari kupa rutsigiro rwavo rwese muhurongwa hwakanaka kudai uhu.
Muzvare Manwa vanoti vakabvumirana kuti mutambo uyu uende kuPolokwane mudunhu reLimpopo uchibva kunhandare yeOrlando kuJohannesburg kuitira kuti uve pedyo nevatsigiri venhabvu vachabva kuZimbabwe.
Nhengo yesangano reZNSSA, VaProsper Magoka, vanoti vachange variko kuSouth Africa uko vanoti vanoona Zimbabwe ichikunda.
"Tinenge tiripo tichitsigira Zimbabwe. Hapana chinotitadzisa kukunda apa. Zimbabwe iri kutohwinha," vanodaro VaMagoka.
Mukuru weWarriors Friends Club, VaTendai Zhakata, vari kukurudzira ruzhinji rweZimbabwe rwunogara muPolokwane nenzvimbo dzakakomberedza kuti rwuende kunotsigira chikwata chenyika ichi vachiti izvi zvinobatsira Zimbabwe kuti ikwanise kukunda kana kuita mangange zvawo.
"Tinokwanisa kuita mangange kana kukunda, kukundwa bodo nekuti vakomana vekwedu rwendo rwuno vakaipa. Vanhu vekuPolokwane, Petersburg, Mesina, neGwanda vese ngavauye nehuhwandu hwavo," vanodaro VaZhakata.
VaZhakata vanoti sangano ravo riri kurongawo mabhazi achasimuka muZimbabwe kuenda kuSouth Africa vachiti pari zvino mabhazi matatu atozara
Asi mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira, VaChris Romario Musekiwa, vanoti vari kukurudzira ruzhinji rwese rweZimbabwe rwunogara muSouth Africa kuti rwunofanirawo kuenda kunhandare kuzobatsira Warriors kukunda, kwete vari muPolokwane chete.
"Vatsigiri vese veZimbabwe vanogara muSouth Africa tinodada nemi nekuti pese panotamba Zimbabwe munouya nehuhwandu hwenyu hwakanyanya
Tiri kuti vese veZimbabwe nevari kunana Cape Town huyai tiite mhere-mhere tinoda kutora mapoinzi ese akakwana"anodaro Musekiwa
Zimbabwe yasarirwa nemitambo miviri unoti weKenya neCameroon.
Pari zvino Zimbabwe iri pachinzvimbo chechipiri mugungano reGroup J iine mapoinzi masere, mapoinzi maviri pasi peCameroon iyo yakatobudirira kare kuenda kumafainari iine mapoinzi gumi.
Kenya iri pachinhanho chechitatu nemapoinzi mana ukuwo Namibia iri pachinzvimbo chechina isina kana poindi imwechete zvayo kubva mumitambo mina.
Asi VaMukwasi vanoti Zimbabwe iri kubudirira paKenya apa nekuenda kuAFCON2025 fainari.
"Apa hatidi kunyepa, iri rave tikiti ratave kutoda. Saka totarisira hwini kwete draw. Tiri kuda kuenderera mberi patakasiira paNamibia," vanodaro VaMukwasi.
Asi mutambo uyu hauna kurerukira Zimbabwe zvachose kana pachitariswa mitambo yatambwa pakati pezvikwata zviviri izvi.
Zimbabwe neKenya dzakasangana katatu, dzakaita mangange mumutambo mumwechete, Kenya ichihwinha mimwe miviri yacho.
Kana Zimbabwe yakakunda Kenya kana kuita mangange nayo, zvinenge zvave kureva kuti inenge yavharira Kenya kunze zvekuti kana dai Kenya yakazokunda mumutambo wayo wekupedzisira neNamibia hazvina zvazvinokanganisa Zimbabwe parwendo rwayo kuenda kumafainari.
Ukuwo, Zimbabwe ikapedza neKenya musi wa 15 inobva yaenda kuYaounde kuCameroon, uko inonosangana neCameroon musi wa 19 Mbudzi, mumutambo wayo wekupedzisira mugungano iri.
Cameroon isati yasangana neZimbabwe musi wa19 ichatanga yasanganawo neNamibia musi wa 13 mwedzi uno.