Munhu Mumwe Chete Afa neChirwere cheCholera Chotangazve Kupararira muNyika

Chirwere cheCholera icho chotangazve kupararia chauraya munhu mumwe chete kunzvimbo inoraurwa hove yeGache Gache kuKariba, Mashonaland West uye vamwe vanhu gumi nevana kabatwawo nechirwere ichi.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Celestino Dhege vazivisa nhasi kuti chirwere checholera chapararirawo mumatunhu madiki anoti Hurungwe neSanyati mumaawa makumi maviri nemana apfuura.

Mumiriri weKariba muparamende VaShine Gwangwava vaimbove mukoti vanoti muwadhi 2 kuKariba pane vakabatwa nechirwere ichi. Vati, “Chirwere cheholera chadzoka zvakare muKariba, vanhu vanomwe vakarwara nacho muwadhi 2.”

Vaimbove gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanoti mwaka uno watambinda ndipo panowanzopararira chirwere ichi. Dr Madzorera vati, “Munguva ino yekunaya chirwere ichi chinopararira zvakanyanya nekukurumidza.”

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevarwere reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti zvakakosha kupa vanhu dzidzidziso.

Kudzivirira cholera, vanhu vanokurudzirwa kunwa nekushandisa mvura yakachena, kugeza maoko vasati vadya, kugeza maoko nemvura yakachena ine sipo kana vabva kuchimbuzi, kusadya michero nezvimwe zvisina kugezwa pamwe nekudya zvinhu zvakabikwa zvakanaka uye zvichiri kupisa.

Gore rapera, chirwere checholera chakatangira mudunhu iri zvakare musi wa12 Kukadzi kuChegutu.

Hurumende yakazozivisa kuti yainge yakwanisa kumisa kwecholera yakatangira kuChegutu iyi muna Nyamavhuvhu gore rinomushure mekurwisana nayo kwemedzi gumi nemisere. Asi ikozvino yatangazve kupararira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena