Vachangobva kuSarudzwa seMutungamiri weNyika muAmerica VaDonald Trump Vachazadzisa here Zvivimbiso Zvavo?

  • Jonga Kandemiiri

Vakakunda musarudzo dzemuAmerica, VaDonald Trump.

Apo hurumende yevachangobva kusarudzwa semutungamiri wenyika muAmerica VaDonald Trump yave kutanga kurongeka, mibvunzo pamusoro pekuti vachazadzisa sei zvivimbiso zvavakapa munguva yekutsvaga rutsigiriro, kana kuti vachatsvaga nzira dzekutsividza nadzo vavaipikisana navo, ndizvo zviri mupfungwa dzezvizvarwa zveAmerica zvakawanda.

Zvichakadaro, vanoda shanduko vari kucheuka shure vachitarisisa kukundwa kwavo musarudzo dzekuti vange vachipinda mumuzinda weWhite House. Mutori wenhau weVOA Veronica Balderas Iglesias anotipa yaya inotevera.

Zvichitevera kukunda musarudzo zvine mutsindo, maziso ose ave pane vachangobva kusarudzwa semutungamiri wenyika muAmerica, VaDonald Trump, nekuti vachatonga sei.

Vatsigiri vavo vanofunga kuti kunyange avo vasina kuvhotera vaimbove mutungamiri wenyika ava vachaona hupenyu hwavo huchipunduka.

VaVivek Ramaswamy.

Vakambokwikwidza musarudzo yekutsvaga vachamirira Republican Party, VaVivek Ramaswamy, avo vanotsigira VaTrump, vakabuda pachirongwa chemusi weSvondo chenhepfenyuro yeABC chinonzi “This Week Show.”

“Ndinofunga kuti vanhu vakawanda munyika yose, kunyange avo vakatambira manyepo anotaurwa pamusoro paDonald Trump vachashamisika zvakanyanya kwazvo pavachawana mari yakawanda pamihoro yavo. Mitengo yezvinhu ichidzika munyika, nemuganhu wenyika wakachengetedzeka,” VaRamaswamy vakatsanangura.

Nekusarudzwa kwaAmai Susie Wiles saChief of Staff waVaTurmp, hurumende yevachangobva kusarudzwa semutungamiri wenyika ava yave kuonekera.

Vaimbove mutungamiri wenyika ava vakanyora padandemutande ravo reTruth Social neMugovera vachijekesa kuti vaimbove mumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Nikki Haley kana vaimbowe gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muhurumende yavo pavaive mutungamiri wenyika, VaMike Pompeo, havasi kuzokokwa kuti vapinde muhurumende yavo rwendo rwuno.

Zvichakadaro, mibvunzo iri kusimudzwa pamusoro pekuti VaTrump vangatora matanho here pavimbiso dzavakaita dzekuti vachatsividza kune vavengi vavo mune zvematongerwo enyika neavo vakatora matanho ekuvaendesa kumatare.

VaRamaswamy vakataura nezvenyaya iyi panhepfenyuro yeABC.

“Ndiri kuda kukudzai zvakataurwa naDonald Trump panguva ino zvakare; budiriro ndiko kutsividza kwedu, uye budiriro ndiyo ichave ndiko kudzosera kwedu.”

Kune avo vakatsigira kutsvaga rutsigiro kwevakamirira Democratic Party musarudzo, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, ino ndiyo nguva yekucheuka nekufunga nezvazvo.

VaBernie Sanders.

Vakakwikwidza vakazvimirira VaBernie Sanders vakapa pfungwa dzavo panyaya iyi apo vaive pachirongwa chenhepfenyuro yeCNN che “State of The Union" nemusi weSvondo.

“Vashandi vemunyika muno vanotambira mari shoma vakatsamwa, uye vane chikonzero chekutsamwa. Nhasi tiri kurarama munguva yehupfumi hwenyika apo vanhu vari pamusoro vari kuita zvakanaka kwazvo, kuchitiwo zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vedu zviri kurarama nemari yashandwa nguva iyoyo.”

Uku vachirumbidza zvakakwanisa kuitwa nehurumende yaVaBiden, Seneta Sanders vakati pachine basa rakawanda richiri kuda kuitwa.

“Tinoda hurongwa hunoti kuvashandi vepasi, ticharwisana nevari pamusoro vane masimba ava toumba hupfumi nehurumende zvinoshanda kwamuri. Uye, izvi hazvikwanisike kunze kwekunge watora mari yakawanda kubva kune zvematongerwo enyika.”

Mutungamiri wenyika VaJoe Biden vakavimbisa kuti kuchave nekutambidzana masimba murunyararo musi wa 20 Ndira.

VaBiden vakafonera VaTrump vachivakorokotedza mushure mekukunda kwavo musarudzo, uye vaviri ava vari kutarisirwa kusangana pauzima neChitatu kumuzinda weWhite House.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yehurumende yaVaTrump

Iyo yanga iri nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Veronica Balderas Iglesias ari muWashington yandakupai.