Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika

Mvura yatanga kunaya munzvimbo dzakawanda munyika izvo zviri kupa kuti varimi vakawanda vafare uye vachitarisira mwaka wakanaka.

Asi mvura iyi yakaparadza zvinhu zvakawanda kuMasvingo nekuMidlands.

Varimi vari kuita chipatapata vachigadzirira kudyara zvichitevera kunaya kwemvura.

Nyanzvi dzinongorora mamiriro ekunze dzakazivisa kuti gore rino kuchaita mvura yakawanda

MuHarare mvura yakatanga kunaya nezuro manheru asi mune dzimwe nzvimbo yatanga nhasi.

Mumwe murimi, Amai Cathy Manhanga, vati chibage chavo chichakura zvakanaka. Vati, ‘Isu tiri kutoifarira zvekuti nekuti tine chibage chatakadyara nemvura yekutanga chakatomera saka tiri kutofara kuti chibage ichi chave kutokura.’

Mumwe murimi, Sekuru Taurai Zvirimumoyo, vanoti havasati vadyara nekuti vanoda kutanga vaona kuti mvura yatouya zvachose here. Sekuru Zvirimumoyo vati, ‘Mvura iyi tisati tatanga kudyar tiri kuti dai yambonyatsototesaa pasi tochizodyara mbeswa dzacho nekuti mukore uno mvura yacho haichakurumidzi kunaya sezvayaiita makare.’

Mutungamiriri werimwe sangano rinomirira varimi, re Zimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mandiitawepi Jiti, vaudzawo Studio 7 kuti kunyange nzvimbo zhinji dzakawana mvura yekuti varimi vatange kudyara, varimi vakatarisana nematambudziko makukutu. Vati, “Dambudziko riri kusangana nevarimi nderekushaya zvikwanisiro zvinosanganisira mbeu, fotireza uye mafuta ekufambisa dzimotokari anotengwa nemari yemuno.”

Vaenderera mberi vachiti, “Varimi vari kuwana mitengo yembeu nefotireza zvichidhura. Izvi zvanyanya kuomera varimi nemhaka yekuti mwaka wadarika zvirimwa zvavo zvakatsva nekushaya mvura. Kushaikwa kwemagetsi nemvura kwaitawo kuti varimi vakundikane kudiridzira vachishaya mari yekutenga zvekushandisa mwaka uno.”

Nyanzvi munyaya dzekurima vachishanda nekambani yembeu yeSeed Co, Amai Wendy Madzura, vati vanonzwisisa mufaro une mvarimi sezvo mwaka wapera wange usina kumira zvakanaka. Vati, “Varimi woye mvura yanaya iyi ndiyo mvura yekuti muchipinda mumunda. Asi vati mvura ichanaya zvichiemderana nenzvimbo.

Vatiwo kunaya kuri kuitika munyika kunoenderana nezvakautaurwa nenyanzvi dzemamiriro ekunze dzinoshanda kuMeteorological Department kuti mvura ichanaya kutanga svondo rino kusvika rinotevera.

Meteorological Department iri kukurudzira varimi kuti vatore matanho ekuzvhichengetdza kana mvura ikauya neukasha sezviri kuitika kune dzimwe nzvimbo.

Bazi iri riri kukurudzirawo kuti varimi vashande nenyanzvi kubva kumapazi ehurumende anoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu.

Mvura inonzi yakaparadza misha nezvikoro kune dzimwe nzvimbo kumatunhu eMidlands neMasvingo.

Asi hatina kuwanisa kunzwa zvizere nezvenyaya iyi sezvo mukuru mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu reCivil Protection Unit, VaNathan Nkomo, vasina kukwanisa kutaura ne Studio7 sezvo vati vange vari mumusangano.

Gore rapera nyika yakaita nzara mushure mekunge mvura yatadza kunaya zvakanaka izvo zvakakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.You

Sangano reWorld Food Program rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vakatarisana nenzara muZimbabwe.