Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotyirwa Kuti Zviri Pane Vari Kurambira Pasi peMugodhi kuSouth Africa

South Africa Illegal Mining

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vakurudzira nhasi kuti vabatsire kuburitsa vanhu vari mumugodhi weStilfontein, mudunhu reNorth West Mapurisa akavhara mwena yose inobuda nevanhu vari kuchera goridhe zvisiri pamutemo ava pasi pechirongwa chinonzi “Operation Vala Umgodi.”

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Exiles Forum, Amai Diana Zimbudzana-Chambara vati zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogona kunge zviri mumugodhi uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVAmai Diana Zimbudzana-Chambara

Tayedza kubata mumiri weZimbabwe munyika iyi VaHenry Hamadziripi asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo kana kupindura mubvunzo watavatumira.

Vamwe vabereki vakataura neVOA panze pemugodhi uyu vanoti vane vana vavo vari pasi.

Kuyedza kumanikidza vanhu ava kuti vabude mumigodhi, mapurisa ange achiramba kuti vapihwe chikafu.

Dare repamusoro muPretoria rati uku kutyira kodzero dzavo uye rati mapurisa above pamugodhi uyu kuti vanhu vakwanise kubuda. Asi mapurisa ange achitsika madziro achiti vanhu ava vanofanira kusungwa sezvo vari kutyora mutemo wenyika.

Vamwe vanhu vanodarika chiuru chimwe chete vakatobuda mumugodhi uyu masvondo apera vakasungwa asi mapurisa anoti pachine vamwe vanogona kusvika mazana mana vari mumugodhi.

Patori nemumwe mutumbi wemunhu wakaburitswa mumugoghi uyu. Vamwe varimo vatiwo vari kuda mapiritsi kusanganisira eHIV sezvo vari kurwara.