Zimbabwe Yotatarika Kupedza Dambudziko reCholera

Zimbabwe iri kutatarika zvikuru ichiedza kupedza dambudziko rechirwere checholera icho yakamboti chapera mwedzi mishoma yapfuura.

Asi dambudziko iri ranyuka zvakare muKariba izvo zviri kupa kuti bazi rezvehutano ripinde zvakare muvanhu rchivabaya nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Hurumende, ichibatsirwa nesangano rinobatsira pasi rose, reRed Cross, nemamwe, iri kutarisira kubaya nhomba vanhu zviuru zvishanu svondo rino pasi pehurongwa hwakatanga nemusi weSvondo kuKariba mudunhu reMashonaland West.

Nzvimbo yanyanya kunetsa nedambudziko rechirwere ichi iKariba Ward 2 inobata Gatche Gatche fishing camp iyo hurumende iri kubaya vanhu nhomba zvichitevera kubatwa svondo rapera kwevanhu makumi maviri nemumwe chete vaine chirwere ichi.

Munhu mumwe chete anonzi akafa nechirwere ichi svondo rapera.

Mukuru ari kuona nezvechirwere ichi muKariba, Dr Godfrey Muza, vanoti hurongwa hwekubaya vanhu nhomba huri kufamba zvakanaka chose uye kusvika pakupera kwezuva nezuro, panga pabayiwa nhomba vanhu vanosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu.

Dr Muza vati, “Takadonhedzera nhomba vanhu vanodarika zviuru zviviri vangangosvika zviuru zviviri nemazana matanhatu.”

Zimbabwe inogara ichiita dambudziko rechirwere cheKorera gore negore hurumende ichiita chipatapata kubaya vanhu nhomba munzvimbo dzinenge dzaputika chirwere ichi.

Muna Nyamavhuvhu gore rino, Zimbabwe yakazivisa kuti yakanga yapedza kurwisa chirwere cheCholera mushure mekunge chirwere ichi chauraya vanhu mazana manomwe uye chikabatawo vanhu zviuru makumi matatu nezvishanu. Izvi zvakaitika munguva iyo Cholera yainetsa munyika kwemwedzi gumi nemisere yakatanga gore rapera kusvika muna Nyamavhuvhu gore rino.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kunyange kudonhedzerwa nhomba zvakakosha kuwanisa vanhu mvura yakachena nezvimbuzi.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri vanoti panofanirwa kuita chirwirangwe kupedza dambudziko recholera. Vanoti mapazi ehurumende, makanzuru nemasangano anoshanda akazvimirira anofanirwa kuita muonera pamwe kuitira kuti akunde zvachose dambudziko iri.

Mamwe masangano ari kubatsira Zimbabwe mukurwisa chirwere ichi anosanganisira UNICEF neDoctors Without Borders.

Mugore ra2008 chirwere ichi chakauraya vanhu vanosvika zviuru zvina uye chikabatawo vanopfuura zviuru makumi mapfumbamwe nezvisere.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena