Veruzhinji Voita Maonero Akasiyanasiyana paZvisungo zveMusangano weSADC muHarare

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanove sachigaro veSADC. (Columbus Mavhunga/VOA)

Zvichitevera gwaro rezvisungo rakaburitswa nesangano reSADC mushure memusangano wevatungamiri venyika nedzihurumende we SADC Extra-Ordinary Summit wakapetwa muHarare neChitatu manheru, veruzhinji vari kupa maonero akasiyanasiyana panyaya iyi.

Vamwe vanoti kunze kwekungounganidza vatungamiri venyika nedzihurumende kuti vakwazisane, SADC haina chikuru chayakabuda nacho pamatambudziko ari kunzi akatarisana nedunhu reSADC anosanganisira kuratidzira kuri muMozambique uko kunonzi kwasiya vanhu vanoda kusvika kumakumi mashanu vafa, pamwe nehondo iri muD-R-C, iyo yave nemakore ichirwiwa.

Vari kushoropodza ava vanoti kusaratidza mazino kweSADC panyaya idzi ndiko kunogona kunge kwakaita kuti vatungairi venyika dziri muSADC vakawanda vasaenda kumusangano uyu, asi kuti vatumire nhume.

Asi vari kupembedza musangano uyu vakaita sevanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti gwaro iri rakaburitsa zvose zvaitarisirwa kubuda kubva mumusangano weSADC uyu.

VaMandaza vanoti gwaro iri harisi iro gwaro guru rinodonongodza zvakakurukurwa mumusangano asi kuti riripo chete kupa misoro yezvakasungwa.

Vanoti riri kubata zvisungo zvose zvakakosha panyaya dzose dzaifanirwa kuzeyiwa mumusangano uyu, dzinosanganisira hondo yekuD-R-C uko mauto ehurumende ari kurwisana nevapanduki veM23.

Vanotiwo panyaya yekuratidzira kwakonzera kusagadzikana kuri muMozambique, SADC yakati bandiko rayo rinoona nezvekugadzikana nerunyararo mudunhu reuchamhembe kweAfrica, reSADC Troika, rakapiwa basa rekutarisa nezvematambudziko aya.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTim Muringai, vanoti kunyange hazvo gwaro reSADC iri rakanaka, harina kunyatsotsanangura zvakajeka danho richatorwa nesangano iri pamatambudziko ari muMozambique.

VaMuringai vanoti kusajeka uku kunoita kuti vamwe vave nemaonero avowo pakusimba kwesangano iri pakugadzirisa matambudziko ari kuchamhembe kweAfrica izvo zvinozoita kuti sangano iri rinzi harina meno.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Mandaza naVaTim Muringai