Doctors Without Borders Yawanira Zimbabwe neDzimwe Nyika Majekiseni eKudzivirira Kupararira kweHIV

Sangano ravanachiremba vanoshanda munyika dzakawanda pasi rose reDoctors Without Borders rinoti rawana majekiseni emushonga wekudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV anoshanda kwemwedzi miviri anonzi Cabotegravir kana kuti CAB-LA kubaysira vanhu vari muZimbabwe, Mozambique, Malawi neEswatini.

South Africa inonzi yawana majekiseni emishonga anosvika zviuru mamazana maviri nemakumi matatu nerimwe kana kuti 231,000 doses kubva kuhomwe yemutungamiri wenyika yeAmerica kana kuti President’s Emergency Plan for AIDS Relief (PEPFAR).

Sangano reWorld Health Organization rinoti jekiseni iri rakakosha zvikuru mukudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV.

Vanhu mamiriyoni makumi mana pasi rose vari kurarama nechirwere ichi uye vanhu vanosvika mamiriyoni makumi masere nemasere kana kuti 88 million vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachakatanga.

Mutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati titaure nemukuru mubazi rezvehutano anoona nezvechirwere cheHIV nerurindi Dr Owen Mugurungi asi vange vasingadaire nharembozha yavo.

Chiremba vanoshanda vari muAmerica Dr Simbiso Ranga vati jekiseni ir rakakosha nekuti dzimwe nguva vanhu vanokanganwa kunwa mushonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga