Sarudzo dzekutsvaga vanhu vachange vari muZIFA dziri kukonzera mitauro zvichitevera mitemo mitsva ichashandiswa mukutsvaga vachapinda muzvigaro zvakasiyana siyana muZIFA.
Pazvigaro zvose zvichakwikwidzwa muZIFA, chigaro chemutungamiri wesangano iri ndicho chine vanhu vabuda pachena kuti vachakwikwidza.
Vanhu ava vanosanganisira VaFarai Jere,mutungamiri wePremier Soccer League pari zvino, muzvinabhizinesi VaGilbert Muponda, vakambove sachigaro weDynamos, VaTemba Mliswa, muzvinabhizinisi aimbove kuBritain, VaMarshall Gore, uye muzvinabhizinisi uye vaine zvikwata zvenhabvu, VaWangu Mazodze vari kuAmerica, avo vakazivisa nemusi weChishanu kuti vabuda musarudzo iyi.
Mukuru weZIFA, Muzvare Yvonne Manwa, vanoti kunyoreswa kweavo vari kuda kukwikwidza zvinzvimbo musarudzo kwavhurwa kusvika musi wa 10 Zvita uye sarudzo dzichizoitwa musi wa25 Ndira 2025. Vanotiwo hapana mari inobviswa kunyoresa.
Vanoda kukwikwidza vanosungirwa kutevedzera mitemo mitsva yakatarwa neZIFA Congress inoti munhu anoda kukwikwidza chigaro chemutungamiri weZIFA nemutevedzeri wake anofanira kuve ane zvidzidzo zvishanu kana kuti 5 Ordinary Level subjects dzaakabudirira.
Pamusoro pezvo, anofanira kuve mugari muZimbabwe kwemakore maviri akateverana.
Mitemo iyi, yakapasiswa neSports and Recreation Commission kuti ive mubumbiro remitemo yenhabvu munyika.
Asi vaimbove gweta reZIFA, VaRalph Maganga, vanoti mutemo we 5 O levels pamwe newemakore maviri akateverana munhu achigara muZimbabwe yakagara iripo asi kungoti yaive isati yaiswa mubumbiro remitemo sezvaitwa izvi.
VaJere vanoti mushure memakore mana vachitungamira nhabvu yezvikwata zvepamusorosoro munyika yePSL vave kukodzera kutungamira ZIFA.
VaMuponda vanotiwo nhabvu iri kuda munhu akaita saivo anoziva nezvemafambisirwo emari.
"Pari kudiwa munhu anoziva zvemari, anonzwisisa kuti mari inotsvagwa sei. Ndipo pandiri kuona kuti ini ndakakodzera," vanodaro VaMuponda.
VaMliswa vanotiwo ivo chete ndivo vakakodzera kutungamira Zifa.
"Ndakadzidza nyaya dzehutungamiri hwemitambo zvichibatanidza nhabvu. Saka nhabvu inoda munhu anenge ini akadzodza zvehutungamiri," vanotaura vachidaro VaMliswa.
VaGore vanoti ivo vanokodzera kukwikwidza nekuti vapedza nguva yavo yakawanda vari muZimbabwe vachifamba nemaWarriors.
Hatina kukwanisa kubata VaMazodze kuti tinzwe zvizhinji pamusoro pukubuda kwavaita mumakwikwi aya mushure mekunge vambozvishambadza zvine mutsindo kuti vari kuda kukwikwidza chigaro chemutungamiri weZIFA.
Asi mugwaro ravakaburitsa neChishanu, VaMazodze vakati havakwanise kusiya basa ravari kuita kuAmerica.
Asi munyori mukuru weFormer Footballers Association of Zimbabwe, VaTerrence Malunga, vanoti nhabvu inokodzera kutungamirwa nevakamboitamba chete.
"Chishuwiro chedu chikuru ndechekuti tikwanise kuona vakomana nevasikana vakambotamba vari mukati memuunganidzwa weZIFA. Izvi zvinokonzeresa kuti vakwanise kuunza ruzivo rwavo patafura," vanochemachema VaMalunga.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaFarai Kambamura, vanotsinhirawo vachiti vakambotamba bhora ndivo vanoziva zvinodikanwa mukufambiswa kwenhabvu munyika.
"Nhabvu inofanira kutungamira nevakamboitamba. Tinoda vanhu vakaita sana Peter Ndlovu. Tinoda vanhu vakaita sana Benjani Mwaruwari. Ndivo vanhu vatinoda vane nyika pamoyo," vanodaro VaKambamura.
Asi mutsigiri wenhabvu, VaKudzai Bere, vanoti hazvineyi nekuti munhu akambotamba nhabvu asi chinodikanwa ruzivo rwekutungamira nhabvu yacho.
"Munhu akambotamba bhora, netball, kana kiriketi haakwanise kukunda munhu anoziva mafambisirwo emari pahutungamiri. Havakwanise kuziva management yepamusoro," vanodaro VaaBere.
Mutsigiri weDynamos, VaMasimba Denenga, vanoti munhabvu hamusi kudiwa vanoita vezvematongerwo enyika.
"Munhu anenge achida kupinda pahutungamiri wenhabvu ari mune zvematongero enyika haana nguva yakakwana. Anopedza nguva yakawanda ari kumaruzevha achitevera hurongwa hwebudiriro asi kubhora anenge achidiwa zvekare," vanodaro VaDenenga.
Mukuru wePSL pamwe nemukuru wenhabvu yevanhukadzi yeZimbabwe Women's Soccer League vanopindawo mubhodhi iri vakamirira masangano avanotungamira.
Pari zvino, nhabvu muZimbabwe iri kutungamirwa nekomiti yeZIFA Normalisation Committee iyo yakagadzwa neFIFA kuti igadzirise nhabvu munyika uyezve nekuronga kuti kuitwe sarudzo yevatungamiri venhabvu.
Komiti iyi iri kutungamirwa naVaLincoln Mutasa, avo vakambotambira pamwe nekutungamira Dynamos.
Your browser doesn’t support HTML5