Zimbabwe Yabatana neDzimwe Nyika Kukurudzira Kupedzwa kweMhirizhonga Yakanangana neMadzimai

Zimbabwe kutanga nhasi kusvika musi wa10 Zvita iri kubatana nedzimwe nyika mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga yemudzimba yakanangana nemadzimai nevanasikana kana kuti 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence.

MuZimbabwe huwandu hwemadzimai nevanasikana vari kushungurudzwa huri kuramba huchikwira zvakanyanya.

Bhanga guru rinokweretesa nyika dzepasi rino mari reworld Bank rinoti pamadzimai mashanu ega ega muZimbabwe vaviri vavo vanoshungurudza mudzimba uye vamwe gumi nemumwe kubva muzana kana kuti 11% vano,bunyikidzwa.

Nyika dzepasi rino dzave kuda kusvikawo pamakore makumi matatu kubva zvaitwa muisangano mukuru weBeijing Declaration wainge wakanangana nekukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzemadzimai.

Mukuru wesangano reShamwari yeMwanasikana, Amai Ekenia Chifamba vaudza Studio 7 vati zvakakosha kucherechedza zuva iri vachiti pane zvakawanda zvichiri kuda kuitwa kuti dambudziko iri ripedzwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Ekenia Chifamba