Zimbabwe Yokokera Musangano Ichitsvaga Rubatsiro Rwekubatsirwa Kubhadara Chikwereti Chairi Kutatarika Kubhadhara

Hurumende yeZimbabwe nhasi yavimbisa zvekare, kuti ichatora matanho ese anodikanwa kuti ibhadhare zvikwereti zvese zvainazvo zvinoraudzira mabhiriyoni makumi maviri nerimwe emari yekuAmerica. Asi dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi hwenyika dzinoti zvagara muromo hauzarirwi nerwizi.

Vachitaura pamusangano wakotsverwa nehurumende yavo nhasi muHarare wekukurukura pamusoro pepundutso yatorwa kusvika parizvino mukugadzira hwaro hwekuti chikwereti chine nyika chipere, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vati kunyange hazvo nyika iine chikwereti chakakura, hupfumi hwayo huri kuratidza kusimba. Vati, “Takatemerwa zvirango zvehupfumi zvisiri pamutemo, asi tinofara kuti hupfumi hwenyika yedu hausi kuparara.”

Vaenderera mberi vachiti, “Zvizhinji zvakataurwa nemabhanga makuru epasi rese zvinoda kugadziriswa, takazviita uye tichiri kuzviita. Tiri kurwisa huori; takaita sarudzo dzakachena; uye varimi vakatorerwa minda yavo panguva yehondo yeminda vari kubhadharwa. Ndinoda kuvimba kuti matanho atiri kutora aya achaita kuti tikwanise kuzobhadhara zvikwereti zvedu zvese, tigotanga kuwanawo mari kumabhanga akaita saana IMF neWorld Bank.”

Asi mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont, vanoti hurumende yeZimbabwe ichiri kure kuzadzisa zvimwe zvinodiwa kuti ikwanise kuwana mari yezvikwereti, ndiko saka America yakambomira kubatsira Zimbabwe pachirongwa chayo ichi.

Amai Tremont vati, “Kubva pakaitwa sarudzo dzisina kujeka gore rapera, isu takabva tambosuduruka pakuda kubatsira hurumende yeZimbabwe nekuti yakaratidza kusavimbika nekuti vakatadza kuita zvakatenderanwa- kuti hutongi hwejekerere huvepo muZimbabwe.” Vati, “Isu chatinoda ndechekuti kodzero dzevanhu vemuno dziremekedzwe, pamwechete nekuti huori hupedzwe, uyezve kuti bumbiro remitemo ritevedzwe. Izvi zvikaitwa, tinobatsirana nehurumende yeZimbabwe murwendo rwekupedza chikwereti chayo.”

Zimbabwe ine chikwereti chekunze kwenyika chinosvika mabhiriyoni gumi nematatu emadhora ekuAmerica (US$12.3billion) uye munyika, hurumende ine chikwereti chinoraudzira mabhiriyoni mapfumbamwe (US$9billion)- zvikwereti zviri kuramba zvichikura nekuda kwekutadza kubhadhara nenguva.

Mugore ra2022, hurumende yeZimbabwe yakatanga hurongwa hwekuti ibhadhare zvikwereti izvi, uye iri kubatsirwa nebhanga remuAfrica, reAfrican Development Bank, murwendo urwu.

Mukuru webhanga iri, VaAkinwumi Adesina varumbidza hurumende yeZimbabwe, vachiti yatora matanho anoyemurika kuda kupedza dambudziko rechikwereti iri. VaAdensina vati, “Kana tichitarisa mitemo yemunyika uyewo mafambisirwo ezvirongwa zvehurumende, pamwe nekubhadharwa kwevarimi vakatorerwa minda, zvose zviri kufamba zvakanaka.” Vatiwo, “Ndinofunga kuti zvakakosha kuti dzimwe nyika dzibatsirane neZimbabwe mukupedza chikwereti ichi. Zimbabwe inyika ine zviwanikwa zvizhinji, zvekuti kana chikwereti chikapera kubhadharwa, ichabudirira zvinotyisa.”

Nyanzvi inowongorora nyaya dzezvehupfumi hwenyika, uye vari mukuru wekambani yeFinx Zimbabwe, Muzvare Hapiness Zengeni vanoti chikwereti chine Zimbabwe ichi, chadzosera nyika kumashure munyanya dzehupfumi. Muzvare Zengeni vati, “Kutadza kuwana mari kubva kumabhanga akafanana neIMF neWorld Bank kunotadzisa kuti nyika iwane mari dzakachipa dzezvikwereti.”

Vatiwo, “Parizvino hatikwanisi kuwana zvehutano, kana kuvandudza zvedzidzo uyewo kuita zvivakwa zvakavandudzwa nemari yedu shoma yatinowana. Ndiko saka muchiona kuti hurumende painovaka, tomboti mugwagwa, vanogadzira mari yakawandisa, zvinozoita kuti pave nekukwira kwemitengo yezvinhu. Saka mari yezvikwereti tinoida kuti zvirongwa zvehurumende zvienderere mberi nemazvo.”

Muzvinafundo Albert Makochekanwa vanova nyanzvi inowongorora nyaya dzezvehupfumi uye vachidzidzisawo pachikoro cheUniversity of Zimbabwe, vanoti hakuna neimwe nzira Zimbabwe ingabudirira nayo kunze kwekubhadhara chikwereti chayo. VaMakochekanwa vati, “Imi munozviziva kuti hakuna munhu anoramba achikweretesa munhu asingadzosi mari.”

Vatiwo, “Naizvozvo pasi rese haridi kutikweretesa kusvika tava kugona kubhadhara zvikwereti zvekumashure. Chakaipira chikwereti ndechekuti chinodzinga avo vangada kuuya kuzosima mari muno nekuti vanenge vachitya kuti mabhizimusi avo anozobadhariswa mitero yakakura nehurumende, ichiedza kubhadhara zvikwereti zvayo. Saka zvakakosha kuti zvikwereti zvese zvibhadharwe.

Musangano waitwa nhasi muHarare uyu, unova wechitanhatu kubva muna2022, waonawo vamiriri venyika dzakawanda dzakakweretwa neZimbabwe, vachiupinda kuti vakurukure mabatsiriro avangaita Zimbabwe padambudziko rayo.

Gurukota rinoona nezvehupfumi hwenyika VaMthuli Ncube, vaudzawo vatori venhau kuti panopera gore rinouya, zvese zvinodiwa kuti chikwereti chemabhiriyoni makumi maviri nerimwe emadhora ekuAmerica chine Zimbabwe, zvinenge zvaitwa.

Zvimwe zviri kunzi Zimbabwe iite murwendo rwekuwana rubatsiro rwekupedza chikwereti chayo, kuva nehutongi hwejekerere; kureemekedzawo kodzero dzevanhu; kupedza huori uyewo kubhadhara varimi vakambunyikidzwa panguva yehondo yeminda.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa