Kupiwa chirango kwevari kufanotungamira chimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaJameson Timba nevamwe vavo makumi matatu nevatatu, kwaendeswa mberi kumusi weChitatu svondo rino.
VaTimba nevamwe vavo vakawanikwa nedare ramejasitiriti muHarare vaine mhosva yekuungana nechinangwa chekuda kukonzera mhirizhonga mushure mekunge vaungana kuAvondale muHarare musi wa16 chikumi vachicherechedza zuva remwana wemuAfrica.
Asi vari kuramba mhosva iyi vachiti vachanokwikwidza mutongo uyu kudare repamusoro.
Zvichakadaro, imwe nhengo yechikwata chebato iri VaAmos Chibaya, avo vakaburitswa kujeri neChishanu chadarika, vanoti mararamiro ari kuita vasungwa kumajeri emunyika haana hutano uye ari kutyora kodzero dzevanhu.
VaChibaya, avo vakagara mujeri kwemazuva anodarika makumi mana, vakazobuda mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso inoita madhora mazana mashanu ekuAmerica kuti vakwanise kutongwa vachibva kumba.
Vakasungwa vachipomerwa mhosva yekukurudzira mhirizhonga mushure mekunge vataura kunhengo dzeCCC dzairatidzira pamatare dzichinyunyuta nekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwaVaTimba nevamwe.
vachibaya vanoti vari kumira zvakare mudare neChipiri pane imwe mhosva yavari kupomerwa yekupinda musangano usina kupiwa mvumo nemapurisa, vachizodzokera zvakare kudar nemusi weChina pamhosva yekupesvedzera mhirizhonga.
Your browser doesn’t support HTML5