VaDuma Boko Vanoti Vatungamiri veNyika dzemuAfrica Vanofanira Kutsiurana

VaDuma Boko

Mutungamiri weBotswana achangobva mukusarudzwa VaDuma Boko vari kukurudzira vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vapote vachitsiurana nekuti vakasadaro vanozogona kuguma vasvika kuna taisireva.

Vachivhura zviri pamutemo musangano wekuzeya matambudziko nezvimhingamupinyi zviri kutadzisa kubudirira kweAfrica weAfrican Economic Conference muGaborone, guta guru reBotswana neMuvhuro, VaBoko vakati, “Sevatungamiri, zvakakosha kuti tipote tichitsiurana nekuti tikasadaro tinenge tasvisikira moto muziso."

Vakaenderera mberi vachiti, "Iri ndiro rimwe dambudziko guru ratinofanira kugadzirisa. Kazhinji tinenge tichizvitutumadza tichiita gudziramukanwa nekutaura zvatisina kuita. Saka tinofanira kusiya tsika iyi totarisana nechokwadi kunyangwe zvichirwadza.”

Kurudziro iyi haisi itsva. Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaThabo Mbeki nevaive mutungamiri weNigeria, VaOlesegun Obasanjo muna 2003 vakaparura chirongwa chekuti vatungamiri venyika dzemuAfrica vapote vachitsiurana nekudzoredzana kana kuti African Peer Review Mechanism muchirungu.

Izvi zvaiitwa kuti Africa igadzirise matambudziko ayo kwete kuda kumirira vabva kure. Asi sezvirongwa zvakawanda zveAfrican Union zviri kuratidza kuti muromo hauzarirwe nerwizi.

VaBoko vakatiwo hondo dziri muAfrica dziri kudzorera budiriro kumashure. “Kupedza hondo dziri mudunhu redu chinhu chakakosha nekuti iri kudzorera budiriro kumashure." VaBoko vakaudza gungano iri. Vakatizve, "Hondo dziri kukonzera kushushikana kwakanyanya muvanhu, vamwe vari kumanikidzwa kuenda muhupoteri uye vamwe vanosara nemavanga.”

Sangano remuAmerica reAfrica Center for Strategic Studies rakazivisa mugwaro rakaburitswa munaGunyana gore rino kuti vanhu vemuAfrica vanodarika mamiriyoni makumi mana vakamanikidzwa kuenda muhupoteri nekuda kwehondo.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reFrancistown uye chichirarama nechamuka inyama, VaThompson Gachange vati mashoko aVaDuma akanaka nekuti kusatsiurana ndiko kwakapa kuti vagume vabuda muZimbabwe kunotsvaga mafuro manyoro.

Vati, “Saka isu hatifaniri kurarama hupenyu hwekungova nherere munyika dzevamwe." Vakatiwo, "Isu todawo kudzokera kumusha, tovakawo Zimbabwe yedu. Asi tinotya. [But] kutya kwacho kuchapera. Taratidzwa nevamwe kuti zvinogona kuita zvakanaka.”

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Botswana, Doctor David Mandiyanike vanoti shuviro yaVaBoko inogona kunge yave pedyo nekuitika nekuti kwave kusarudzwa vatungamiri vatsva vakatiwande muSADC.

“MuSADC mune mhepo yavhuvhuta munyaya dzematongerwo enyika. Tiri kuona vazhinji, maopposition parties ari kuuya achitora zvigaro. Pane mukana wekuti pachangoita vechidiki vava kuramba vachiuya kana maopposition parties ari kuramba achiuya achizibvuta tsvimbo mumapato akarwira rusununguko.”

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinogadzira mafoni muguta reGaborone, VaTaurai Moyo vanoti vanotsiurwa vacho dzimwe nguva vanoisa zvimiti munzeve.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kutsiurana kunoti netsei sezvakabuda musarudzo yemuZimbabwe yegore rapera apo vaongorori vesarudzo veSADC vachitungamirirwa neZambia vakati sarudzo dzainge dzisina kufamba zvakanaka.

Zimbabwe neZambia zvakabva zvave makara asionane. Asi muongorori wenyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti vanoti kurudziro yaVaBoko haisi nyore sezvo nyika dzichiti dzakazvimirira.

VaSauti, “Nyika nenyika dzine mafambisiro adzinoita zvinhu zvadzo kana takatarisa nezvematongerwo enyika kana hupfumi hwenyika. Saka, dzimwe nyika hadzibvumidzwe kunge dzichipindira munyaya idzodzo.”

VaSauti vatizve, “Panofanirwa kunge paine maitirwo ezvinhu ekuti kana vatungamiri venyika vachitsiurana, ngavatsiurane zvisingakanganise hukama hwavo. Pavanoita misangano yavo vakavharirana.”

Vakawanda vanoti kutadza kutsiurana ndiko kunopa vamwe kuti vashore zvakanyanya masangano akaita seAfrican Union neSADC.

Musangano weAfrican Economic Conference wakarongwa nebhanga reAfrican Development Bank rakabatana nesangano reEconomic Commission for Africa kana kuti ECA nereUnited Nations Development Programme kana kuti UNDP.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo