Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa VaDavid Hamadziripi vaudza Studio 7 kuti mapurisa emuSouth Africa avaudza kuti pane zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika zana zvakatosungwa zvabuda mumugodhi weStilfontein mudunhu reNorth West kuSouth Africa.
Vamwe vanhu vakasungwa vachichera goridhe zvisiri pamutemo vamiswa pamberi pedare reStilfontein Magistrate's Court masikati anhasi. Vanhu ava vapinda mudare vari muzvikwata zviviri.
Chekutanga change chine vanhu gumi nevana vekuMozambique vakasungwa nemusi weSvondo. Chikwata chechipiri change chiine vanhu makumi maviri kubva kuMozambicans, Zimbabwe neSouth African.
Dare rati chikwaya chekutanga chidzoke kudare musi wa10 Zvita uye chikwata chechipiri chine zvizvarwa zvekuZimbabwe chanzi chodzoke kudar musi wa 10 Ndira gore rinouya. NeChipiri mutauriri wemapurisa Brigadier Sabata Mokgwabone vakaudza vatori venhau kuti vakasunga vanhu gumi nevatanhatu kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zvitanhatu.
Nhasi kwasungwavamwe gumi nevana kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe vanhu gumi nevana kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe, Mozambique neLesotho. Asi VaHamadzirii vati vachadawo kuona magwaro evanhu vari kusungwa ava kuti vaone kuti zvizvarwa zveZimbabwe here kana kuti kwete.
Your browser doesn’t support HTML5