Hurumende yeSouth Africa Inowedzera neGore Hupenyu hweMagwaro eZEP

  • Jonga Kandemiiri

South Africa yakawedzera magwaro eZimbabwe Exemption Permit kusvika muna Mbudzi gore rinouya.

Gurukota rezvemukati meSouth Africa, VaLeon Schreiber, vakazivisa neChishanu kuti vawedzera nerimwe gore hupenyu hwemagwaro eZimbabwe Exemption Permit, ayo anobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe mushanda nekugara munyika iyi zviri pamutemo kusvika musi wa 28 Mbudzi 2025.

Magwaro aya aifanirwa kuguma kushanda zviri pamutemo musi wa 29 Mbudzi 2024, izvo zvaizosiya zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika kuzviuru zana nemakumi manomwe nezvisere (178 000) zviri pamagwaro aya zvave kugara zviri kunze kwemutemo munyika iyi.

Danho iri rinoreva kuti hapana vane magwaro eZEP vanofanirwa kusungwa nekuburitswa munyika iyi nemapurisa.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri pamagwaro aya reZimbabwe Exemption Permits Coordinating Committee, VaEdward Muchatuta, vanoti izvi hazvina zvikuru zvazvinobatsira nazvo vari pamagwaro aya sezvo vachapera kushanda vana vasati vapedza kunyora bvunzo dzavo muna Zvita gore rinouya, izvo zvinenge zvoreva kuti vanenge vave kugara zviri kunze kwemutemo.

VaMuchatuta vanoti vanhu vakawanda vakatengesa midziyo vachida kuti vaforere mamwe magwaro anovabvumidza kugara muSouth Africa vaine kunzwisisa kwekuti magwaro eZEP akanga asisashande, asi VaSchreiber havana zvavataura pamusoro pevakaforera mamwe magwaro ava.

Vanoti vave kumbogara pasi nemagweta avo eHelen Suzman Foundation kuti vanzwe kuti votora matanho api kuenda mberi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvemukati menyika muSouth Africa panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEdward Muchatuta