Zimbabwe Inobatana nePasi Rose kuCherechedza Zuva reWorld Aids Day

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vanhu vachicherechedza zuva reWorld AIDS Day.

Zimbabwe eSvondo yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva reWorld Aids Day sangano reNational Aids Council richiita zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekuyambira, kudzidzisa pamwe nekuyeuchidza veruzhinji nezveHIV/AIDS.

Zvimwe zvezvirongwa zvekupa dzidziso kune veruzhinji zvakatangwa nesangano iri svondo rapera kwaRusape, kuManicaland.

Mukuru wesangano reNational Aids Council, Dr. Bernard Madzima vati Zimbabwe ndeimwe yenyika dzakakwanisa kuzadzisa chirongwa cheUnited Nations che 95-95-95, icho chakanangana nekupedza denda reAIDS panosvika gore ra2030.

Izvi zvinoreva kuti zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana (95%) zvevanhu vari kurarama neHIV zvinoziva zvazviri, zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana (95) zvevanhu vanoziva zvavari zviri pamishonga, uye zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana (95) zvevari pamishonga zvakwanisa kudzivirira kuwedzera kwehutachiwana.

Vanhu miriyoni imwechete nezviuru mazana matatu vanonzi nebazi rezvehutano vari kurarama nehutachiwana hwe HIV, uye pavanhu ava miriyoni imwechete nezviuru mazana maviri kana kuti 1.2 million vari pamishonga.

Muzinda weAmerica muZimbabwe unoti America yabatsira Zimbabwe nemari inosvika US$1 billion yekurwisa chirwere ichi kubva muna 2006.

Zuva reWorld Aids Day rinocherechedzwa musi wa 1 Zvita gore roga roga pasi rose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr. Bernard Madzima