Sangano rinorwira kodzero dzevanasikana, reShamwari yeMwanasikana, rinoti riri kuita zvirongwa zvakanangana nekupedza dambudziko rekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, iro rarinoti riri kuramba richikura munyika.
Mutungamiri wesangano iri, Amai Erkenia Chifamba, vanoti vanofara kuti vari kuita izvi panguva iyo pasi rose riri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisana nemhirizhonga yakanangana nemadzimai nevanasikana, kana kuti 16 Days of Activism Against Gender Based Violence.
Amai Chifamba vanoti vachasangana nenhengo dzeparamende kuti vagozeya dambudziko iri, vachiti vachaita zvirongwa zvakasiyanasiyana kumaruwa uko vanoti dambudziko iri riri kuramba richiwedzera kunyange hazvo paine dzidziso iri pamusoro pekuipa kwetsika iyi iri kubva kumasangano akaita seravo pamwe nehurumende.
"Tichange tine zvirongwa zvakawanda zvekudzidzisa veruzhinji pamusoro pedambudziko rekuroodzwa kwevana vasati vabva zera iro riri kuramba richiwedzera, zvikuru mumhuri dzinenge dzakatarisana nemhirizhonga nezvimwe zvinetswa," Amai Chifamba vaudza Studio 7.
Vanotiwo mitongo inopihwa vanhu vanenge varoodza vana vasati vabva zera inofanirwa kusimbaradzwa kuitira kuti vabereki vaone huipi hwetsika iyi.
Amai Chifamba vanotiwo kunyangwe hazvo paine mitemo iyi, vanhu vakawanda havana ruzivo nezvayo, vachiti ndizvo zvimwe zvavachange vachidzidzisa veruzhinji kuti vazive kuti kune mitemo inochengetedza kodzero dzevanasikana vanoroodzwa vasati vabva zera.
Chirongwa chekukurudzira kupedzwa kwemhirizhonga yakanangana nemadzimai nevanasikana chakatanga musi wa 25 Mbudzi uye chichapera musi 10 Zvita.
Your browser doesn’t support HTML5