European Union (EU), kuburikidza nebazi rayo rinopa rubatsiro, reEuropean Civil Protection and Humanitarian Aid Operations, ECHO, yazivisa neChipiri nezvehurongwa hwayo hwekuwedzera rubatsiro rwemari yainopa kuZimbabwe rwakanangana nekurwisana nenzara.
EU yati iri kupa rumwe rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni matanhatu nezviuru mazana matanhatu zvemadhora, kana kuti US$6.6 million, yekuti zimbabwe irwisane nenzara, iyo inonzi yapfunya chisero munyika.
Mari iyi ichashandiswa muzvirongwa zvekuwedzera nzira dzekurima dzakavandudzwa dzinofambirana nekushanduka kwemamiriro ekunze, kana kuti Climate-Smart Agriculture.
Mugore rino, EU yapa Zimbabwe mari inoita 9.5 million Euros yekutsigira zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekurima, kuchitiwo muna 2023, sangano iri rakapa rubatsiro rwemari inoita 8.5 million Euros kuburikidza nerubatsiro rwechikafu kusanganisira kuwanisa mari kuvanhu vemumaguta nemadhorobha.
Vanoongorora zvehupfumi, vari mutevedzeri wasachigaro webhodi resangano reGovernors for UTC kuSalford kuBritain, Muzvare Chenayimoyo Mutambasere, vanoti zvirongwa izvi zvakanaka nekuti zvinobatsiridza, asi hazvigoni kupedza nzara yese munyika.
Vanoti hurumende inofanirwa kutorawo matanho ekusiMbaradza zvirongwa izvi uye kuumba hugaro hwakanaka hwevanhu kuti rubatsiro urwu rwuonekwe zvarunoshanda pasina kutarisana kuti munhu abuda mumba maani.
Your browser doesn’t support HTML5