Vechidiki vakawanda vemuZimbabwe vanoti mhirizhonga yemudzimbari iri kuitika munyika iri kukonzerwa zvakanyanya nekuoma kwezvinhu munyika, pamwe nemakudzirwo anoitwa vana muhupenyu hwavo izvo vanoti zvinoda kugadziriswa nechimbichimbi.
Apo pasi rose riri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekupedza mhirizhonga pakati pevanhurume nevanhukadzi, kana kuti 16 Days of Activism Against Gender Based Violence, mumwe murume wechidiki wemuHarare, VaTafadzwa Musandiranga, vanoti vanhurume havasati vave kukwanisa kubuda pachena kana vachishungurudzwa mudzimba.
“Varume vanokudzwa vachinzi vanofanira kuzvimirira; havafaniri kuchema; uye vanofanira kupedza matambudziko avo vega. Murume akada kutaura kuti ari kushungurudzwa nemudzimai, anosekwa, kana kushorwa zvakanyanya kusvika pakudemba kubuda pachena. Izvi zviri kuzoita kuti varume ava vatadze kutaura zvinovanetsa, vopedzisira dzimwe nguva vaita zvirwere zvemupfungwa, vamwe vozozviuraya.”
Mudzimai wechidiki anodzidza pachikoro cheMidlands State University, Muzvare Marble Jamu, vanotiwo madzimai anokonzeresawo mhirizhonga dzemudzimba, asi hazviwanzotarisiswa.
“Zvinoitika zvakanyanya kuti varume vanoshungurudzwa asi pobva pashaikwa humbowo hunobatika. Semuenzaniso, ini semudzimai ndinogona kutuka murume zvinomurwadza chose, iye obva andirova ndozvimba ziso. Humbowo hwavepo ndehwekuti ziso razvimba, asi mashoko andinenge ndataura hapana achada kunzwa nezvawo.”
Mumwe mudzimai wechidiki anogara muHarare, Muzvare Tsitsi Mashavave, vanoti hupfumi hwenyika hwavanoti hauna kumira zvakanaka, ndihwo huri kukonzeresa kuti mhirizhonga inoitwa nevechidiki iwedzerewo.
“Tiri kurarama munguva yakaoma zvekuti vanhu vari kutsvaga kurarama nenzira dzinorwadza. Dzimwe nguva tinokunda, dzimwe nguva tinokundikana. Izvi zvinoita kuti vanhu vapedzisire vava kusawirirana mudzimba, vopedzisira voita zvemhirizhonga nekuti zvinhu zvinenge zvisiri kubatana. Asi muchaona kuti kana zvinhu zvikaita sezvinodzikama, nyaya dzemhirizhonga dzinogona kuderera zvakanyanya.”
Bhanga guru repasi rese reWorld Bank rakabuditsa gwaro gore rino muna Kubvumbi, rairatidza kuti madzimai, anosvika zvikamu makumi matatu nezvipfumbamwe nezviga zvina kubva muzana (39.4%), akambosangana nemhirizhonga muhupenyu hwawo; kuchitiwo zvikamu gumi nechimwe nezviga zvitanhatu kubva muzana (11.6%) vasati vadarika makore makumi maviri nemaviri ekuberekwa, vanonzi vakasangana nemhirizhonga ine chekuita nezvepabonde.
Asi gurukota rezvenyaya dzemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa, vakaudza vatori venhau svondo rapera pakuparurwa zviri pamutemo kwechirongwa che 16 Days of Activism Against Gender Based Violence, kuti dambudziko remhirizhonga dzemudzimba, kunyanya muvanhurume vanosanganisira vechidiki, riri kukura munyika.
“Ichokwadi kuti madzimai anoshungurudzwa, asi tiri kuonawo kuti huwandu hwevarume vari kushungurudzwa mudzimba nemadzimai, hwakwirawo. Kurudziro yangu ndeyekuti mhirizhonga ipere,
zvisinei nekuti yakanangana nemunhukadzi kana kuti munhurume. Tinoonawo kuti kune mitemo ichirikuda kugadziriswa kuti tikunde pakupedza dambudziko iri.”
Wechidiki anoshanda nesangano reFemale Students Network Trust, VaNorbert Kuvamudiki, vanoti madzimai nevasikana vanewo jana rekubata mukupedza mhirizhonga, kunyanya inosangana nevanhurume.
“Tsvakurudzo inoratidza kuti varume vari kusanganawo nemhirizhonga yakafananawo nemadzimai. Saka iwo madzimai acho anofanira kuziva madiro avanoita kuchengetedzwa, ndiwo machengeterwo anoda kuitwa varume. Vanofanira kukurudzira varume nevakomana kuti vabude pachena kana vashungurudzwa, kwete kukuvarira mukati. Zvakakoshawo zvekare kuti madzimai iwawa asavewo honzeri dzemhirizhonga.”
Muongorori wenyaya dzevechidiki, uye vari muridzi wekambani yenhau yepadandemutande, yeSports Booth, VaNorbert Basvi, vanoti mapazi ehurumende, kusanganisira anobata mapurisa, anofanirwa kudzidziswawo kushanda nevanhu vanosangana nemhirizhonga mudzimba, kwete kuvaita zviseko zvenyika.
“Kazhinji murume akaenda kunomhan’ara kumapurisa, anopedzisira ozvidemba nekuti mapurisa anogona kutanga kutomuseka. Izvi zvinoderedza chidokwa-dokwa chekuenda kukamba kana murume aita dambudziko rakadaro. Zvinokosha kuti varume vadzidziswe pamusoro pekugona kubatsira vanhu vakadai, nekuti kana vakasawana rubatsiro muzvimbo dzakadai, vanopedzisira voshaya kwekupotera.”
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, zvikuru hofisi inobata nyaya dzemhirizhonga mudzimba.
Mhemberero dze16 Days of Activism Against Gender-Based Violence dzinoitwa gore rega-rega kubva musi wa25 Mbudzi kusvika musi wa10 Zvita pasi rose, paine donzvo rekukusha shoko rekupedza mhirizhonga mudzimba nemunharaunda.
Kunyange Zimbabwe iine dambudziko remhirizhonga dzemudzimba, inonzi iri nani kana ichienzaniswa nedzimwe nyika dzemudunhu reSADC, dzinosanganisira South Africa, Democratic Republic of the Congo neMozambique.
Your browser doesn’t support HTML5