Hurumende Yovimbisa Kutenga Michina yeKubatsira Kurapwa kweGomarara

Zvipatara zvemunyika zvinonzi hazvina michina inobatsira kurapwa kwegomarara.

Hurumende inoti yatanga hurongwa hwekutenga michina yekubatsira kurapa chirwere chegomarara icho chiri kuuraya vanhu vakawanda munyika, kunyanya varombo vasina mari yekunorapwa kuzvipatara zvisiri zvehurumende sezvo zvichidura.

Asi dzimwe nyanzvi dzezvehutano dzinoti nguva zhinji zvinovimbiswa nehurumende, totenda dzanwa, dzaswera nebenzi.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neChipiri mushure memusangano wemakurukota ehurumende, gurukota rinoona nezvehutano Dr. Douglas Mombeshora vakati michina yekubatsira mukurapa chirwere chegomarara iri kuda kutengwa nehurumende ichaendeswa kuzvipatara zvehurumende zvikuru zviri mumaguta anoti Chinhoyi, Mutare, Gweru neMasvingo.

“Takatotanga kufambira nyaya idzi uye panopera gore rino, tichange tave kutoziva kuti michina iyi tichaitenga kupi. Mari yekutenga michina iyi irikubva pamutero we2% uya wakaiswa nehurumende mugore ra2022. Parizvino gomarara riri kungorapwa kuchipatara cheParirenyatwa muHarare nekuti muchina wekuchipatara cheMpilo kuBulawayo wakafa. Tinovimba kuti kuwana michina mitsva iyi kuchabatsira veruzhinji.”

Asi mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti hurongwa hwehurumende hwakanaka chose, asi hurumende ngaisawanzira simba kumuromo sepinjisi.

“Varwere vegomarara vazhinji havakwanisi kuenda kuzvipatara zvisiri zvehurumende kunorapwa nekuti zvinodhura; zvimwechete nekuenda kunze kwenyika kunorapiwa ikoko. Vamwe vaizongofira mudzimba. Saka zvivimbiso izvi zvekuwaniswa mimwe michina yekurapa gomarara mumatunhu enyika, zvakanaka, asi pava kuda kuti pane muromo paende mari kuti zviitike. Ngatiitei kuti kutaura kuve kushoma, asi kuita kuwande, vanhu vabatsirike.”

Vanhu zviruru zviviri nemazana mashanu vanonzi nesangano reCancer Association of Zimbabwe, vanofa nechirwere chegomarara pagore munyika nekuda kwekushaya mari dzekurapwa, uyewo dzimwe nguva nekushaya ruzivo rwakakwana pamusoro pechirwere ichi, zvinozoita kuti vanonoke kutsvaga rubatsiro.

Gurukota rezvedzimba, VaSoda Zhemu.

Mune imwewo nyaya yakakurukurwa mumusangano wemakurukota ehurumende nezuro, gurukota rezvekuvakwa kwedzimba, VaSoda Zhemu, vakazvirova dundundu sehurumende, vachiti vakazadzikisa chivimbiso chavo chekuvakira veruzhinji dzimba zviuru mazana maviri, gore ra2025 risati radarika.

“Takatozoona kuti taive tazviisira dzimba shoma dzekuti tivakire veruzhinji, naizvozvo ikozvino tave kuda kuvaka dzimba miriyoni gore ra2025 risati radarika. Ndinozviziva kuti tinokunda pakuvimbisa kwedu nekuti vanhu vakawanda vari kuvaka, zvimwechete nemakambani nemakanzuru, kozotiwo isu sehurumende.”

Kunyange vachidaro zvavo VaZhemu, mukuru wesangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vanoti hurumende isade kutora mukombe wemutambo waisina kumbotamba, sezvo isina dzimba ngani dzayakavaka.”

“Handizivi kuti vakasvika sei pakuzoti vagwaza pakuvaka dzimba, nekuti mukada kuzvitarisisa, dzimba zhinji dzavanogona kunge vachiti vakavaka, havana chavo chingani chavakaisa ipapo. Makanzuru ndiwo ari kupa vanhu nzvimbo dzekuvaka, povho yozvivakira.

"Tiri kuonawo vemabhizimusi vachivaka chose. Dzandinotondera dzinogona kunge dzakavakwa nehurumende ndiwo maFlats, asi haasi kuzowaniswa vanhu- ari kurojeswa. Vanhu vachiri vakawandisa munyika vari kuda pekugara panoti pavo.”

Vachitaurawo nevatori venhau nezuro, gurukota rezvekubuditswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, vakati hurumende ichagadzira bhiri remutemo wePrivate Investigators and Security Guards - ayo avakati ava kungonyuka sehohwa munyika.

Vakatiwo, hurumende yakabvumira kuvakwa nekuvandudzwa kwenhandare dzezvemitambo dzemunyika neavo vane mari, pasi pehurongwa hwekuti kana vapedza kuvaka kana kuvandudza nhandare, vanozodzisiira hurumende kana mari yavakasima yadzoka.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere.

VaMuswere vakataurawo pamusoro pemagetsi, vachiti zvakawanda zviri kuitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti nyika yose iti ngwee nemagetsi, zvinosanganisira kuti kumadamu makuru ese emunyika, kuve nemichina inobika magetsi; uyewo kuti michina yekuHwange inogadzira magetsi nemarasha, ivandudzwe.

Asi nyanzvi inoongorora nyaya dzemagariro evanhu, vari mukuru wesangano reCommon Markets for Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vaudza Studio 7 kuti hurumende yakundikana kupa nyika magetsi, kunyange mumazuva mana adarika, anga asiri kunyanya kuenda munzvimbo dzakawanda dzemunyika.

“Chero pavaitsvaga mavhoti ekupinda muhofisi, VaMnangagwa vakavimbisa kupedza dambudziko remagetsi, asi zvaramba izvi. Zviripo ndezvekuti, vakundikana sehurumende. Maonero angu anoti pavakuda makambani anoshanda akazvimirira kuti atenge zvikamu zveZESA, sezvo makambani aya achiuya aine mari uyewo zvikwanisiro zvakavandudzika. Tikaita zvemhando yemoto wemaSolar, zvinobatsirawo zvekare. Taneta nekungovimbiswa manyepo.”

Musangano wanezuro wakaonawo makurukota ehurumende achikurukura pamusoro penzara iri munyika, apo kwakaziviswa kuti hurongwa hwekubatsira veruzhinji nechikafu nemari panguva yenzara ino, huri kufamba zvakanaka, kunyange hazvo vakawanda vachiti pari kuitwa rusarura pakugoverwa chikafu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa