Nhandare yeNational Stadium Yonzi Ichatora Nguva Kupera Kugadziriswa

  • Michael Kariati

Zvigaro zviri kuda kuiswa munhandare ye NSS muHarare.

Vatsigiri vemutambo wenhabvu vachambomira kwenguva yakati rebei vasati vaona chikwat chenyika chichitambira munhandare yeNational Sports Stadium kunyange hazvo zvigaro zvanga zvakamirirwa kubva kuChina zvema bucket seats zvakasvika panzvimbo.

Vari kuvandudza nhandare iyi kuitira kuti izadzise zviri kudiwa nesangano renhabvu pasi rose reFifa vanoti nhandare iyi ine isati yapera kugadzirwa apo Zimbabwe inenge iri pamusha mumutambo wayo neBenini muna Kurume.

Mutambo uyu ndewe rwendo rwekumakwikwi e2026 World Cup.

Mukuru wekumahofisi mubazi rezvemitambo, VaNicholas Moyo, vanoti pamusoro pekuisa zvigaro zvakabva kuChina, pane zvimwe zvakawandisisa zvinoda kugadziriswa kuti nhandare iyi isvike pari kudiwa neCaf neFifa.

Vanoti National Sports Stadium yaifanira kuve yakatokanganwikwa nezvayo, kovakwa imwe nhandare asi nemhaka yekuti hurumende haina mari, yakasarudza kugadzirisa nhandare iyi.

" Vakawanda vanofunga kuti chirikushota muNational stadium mabucket seats asi hazvisirizvo. Kuti nhandare iyi ishandisike vekare parikuda nguva nekuti taitoda imwe nhandare itsva," vakadaro VaMoyo.

Asi musangano wemakurukota ehurumende svondo rapera, wakabvumirana kuti kuvakwe imwe nhandare itsva yemitambo kuMt Hampden asi hurongwa uhu hausati wazivikanwa kuti hunosimuka rinhi.

Pamusoro pezvo musangano uyu wakaita chisungo chekugadzirisa nhandare dzeDzivaresekwa, Gwanzura, neMabvuku, muHarare, Barbourfields, Luveve, neWhite City muBulawayo, Ascot muGweru pamwe neChipadze muBindura senzira yekusimudzira mitambo.

Gurukota rezvemari, Muzvunafundo Mthuli Ncube.

Vachitura hurongwa hwebhajeti ravari kuda kushandisa muna 2025, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakati vari kuronga kuisa ZiG 189 million muhomwe yekuvandudza National Sports Stadium.

VaNcube vakazivisawo kuti hurumende yazvipira kupa Zimbabwe National Football Tema miriyoni yemadhora ekuAmerica yekushandisa mumakwikwi e2025 Africa Cup of Nations achaiitirwa kuMorocco gore rinouya.

Asi mugari wemuHarare, VaPartson Mangava, vanoti hurongwa uhu hwakanaka chose asi vanotozotenda zvese izvi zvaitika.

VaMoyo vanoti haisi nhandare nezvigaro chete zviri kuda kugadziriswa kuNational Sports Stadium, asi kuti zvimwe zvinhu zvakaita sefenzi, magedhe, magetsi, mafambiro emvura, nemaCCTV.

" Tine zvakawanda zvinoda kugadziriswa kusanganisira fenzi, magedhe, mafambiro emvura maCCTV nezvimwe zvakadaro," vanowedzera VaMoyo.

Kunyange hazvo, VaMoyo vasina kutaura kuti nhandare iyi inoti ndendende rinhi, varikuita basa vanoti kuti zvinhu zviti kwesere vari kutarisira mwedzi waNyamavhuvhu kana Gunyana gore rinotevera.

Izvi zviri kureva kuti Zimbabwe haisi kukwanisa kushandisa nhandare iyi pamitambo yayo yepamusha ye 2026 World Cup iyo iri kufanira kusangana neBenin, Rwanda, neSouth Africa.

National Sports Stadium.

Pamusoro pezvo, Zimbabwe haisi kukwanisa kushandisa nhandare iyi pamitambo yekuedzana masimba nezvimwe zvikwata ichigadzirira makundano eAfcon 2025.

Izvi zvauya zvekare mushure mekunge mukuru wevari kuvandudza zvigaro, kana kuti bucket seats muNational Sports Stadium, Va Quobile Magwizi, vazivisa kiti zvigaro izvi zvichatanga kuiswa kana vemuno vadzidziswa kuita basa iri nenyanzvi dzekuChina avo dziri kupinda muZimbabwe muna Ndira.

Sachigaro weZifa Normalization Committee, VaLincoln Mutasa, vanoti kumhanya hakusi kusvika vachiti ivo chakakosha kuti nhandare iyi ipere kugadziriswa nemazvo.

Asi vatsigiri venhabvu havasi kufara nekunonoka kuri kuitwa gadziriso yenhandare iyi.

VaMaxwell Mathonsi vanoti vanhu vari kutamba nebasa.

"Tiri kunzwa kufara nekuuya kwemabucket seats as zvinhu zvinofanira kuitwa nenguva. arikugadzira nhandare iyi vanofanira kurova basa sebasa nekuti CAF inofanira kuuya zvinhu zvese zvakanaka," vanodaro VaMathonsi.

National Sports Stadium yakamiswa kutambirwa nhabvu yepamusoro-soro neCaf muna 2021 ichiti mamiriro ayo haakodzere kuti itambirwe nhabvu.

Kubvira ipapo, zvikwata zviri kumirira nyika mumakwikwi enhabvu zviri kushandisa nhandare dzekune dzimwe nyika semusha wazvo.