Zimbabwe neMugovera Mbudzi 7 yakacherechedza zuva rekudyarwa kwemiti reNational Tree Planting Day pasi pedingindira rekukurudzira kuvandudzwa kwehupenyu hweveruzhinji nekuchengetedza masango nemiti kana kuti "Trees and forests for ecosystem restoration and improved livelihoods."
Sangano reForestry Commission rinoti riri kutarisira kudyara miti mamiriyoni makumi maviri nemashanu gore rino. Vamiriri vemasangano akasiyana vakaungana vachipemberera zuva iri vachisima miti mumatunhu ose enyika.
Mhando yemiti yemuno muZimbabwe inosarudzwa gore rega rega kuti kuve nemuti we gore. Muti, wegore rino unonzi mukashu, kana kuti mudzurungu -muChirungu uchinzi Rauvolfia Caffra.
Mhemberero dzegore rino dzakaitirwa kwaChirumanzu kudunhu reMidlands dzichitsigirwa nekambani yezvicherwa yeDinson Iron and Steel Company.
Mutauriri webazi reForestry Commission, Muzvare Violet Makoto, vanoti havana kukwanisa kudyara miti mamiriyoni makumi maviri nemashanu avaida kudyara gore rakapera nekuda kwekusanaya kwemvura kwakanaka zvakakonzerwa ne El Nino.
Asi vanoshuvira kuti mwaka uno kana mvura ikanya zvakanaka vanogona kusvitsa patarisiro yavo.
Vakurudzirawo kuti veruzhinji vadyare miti chero nguva zvisineyi nekuti vari kupi munyika kuitira kuti donzvo rehurumende rekuvanduza masango nehupenyu hwevanhu rizadziswe.
Your browser doesn’t support HTML5