Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZanu PF sezvo zvava pachena kuti pane zvikwata zviviri mubato iri pamusoro penyaya yekuti mutungamiri webato iri, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa varambe vachitonga bato nenyika panopera temu yavo muna 2028.
Nyaya iyi yakasimudza zvakare musoro mukupera kwesvondo mumatunhu eMasvingo neMashonaland West.
KuMashonaland West kwakaita kusawirirana kukuru pamusangano webato reZanu PF pamusoro pe sirogani yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanenge vachiri panyanga kusvika mugore ra2030.
Gakava iri rinonzi rakatanga apo imwe nhengo yaimbove murwiri werusununguko, VaRonnie Masango, vakabvunza kuti sei vanhu vachiri kuramba vachingoti VaMnangagwa vanenge vachiri panyanga asi ivo vakazviramba.
“Takanzwa mukuru achiti ari kuzosiya basa kuBulawayo pane zvakazotaurwa zvatisingazive here sezvo sirogani iyi iri kurambwa ichiitwa,” VaMasango vanobvunza.
Izvi zvakaita kuti nhengo huru yebato iri yePolitburo uye vari gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vaviruke nehasha vachiti kuita sirogani yekuti VaMnangagwa vanenge vachiri panyanga hapana chakaipa.
VaZiyambi vanoti, “Hapana sirogani inonzi iri pamutemo vanhu vakanakirwa nekutonga naVaMnangagwa vakati 2030 vanenge varipo ndicho chishuwo chavo hapana chakaipa.”
VaMasango vakaratidza kusafara ndokuda kubuda mumusangano uyu wakaitirwa paChinhoyi training centre asi vakarambidzwa nemukuru wevechidiki, VaTapiwa Masendu.
“Hapana kwaunoenda inzwa zviri kutaura vakuru, ukabuda muno hatichada kukuona zvakare pano” VaMasendu vanoyambira VaMasango.
VaZiyambi vakati sirogani haineyi naVaMnangagwa asi chido chevatsigiri vavo vari kuda kuti varambe vari panyanga vachiti hapana chakaipa nekushuwira kuti varambe vachitonga.
VaZiyambi vakashoropodza dzimwe nhengo dzebato dzakaita saVaPatrick Chinamasa vachiti havafanirwe kubvunza VaMnangagwa kuti vachiri kuda kuenderera mberi nekutonga here sezvavakataura pamusangano mukuru webato iri wakaitirwa kuBulawayo mwedzi miviri yapera.
VaZiyambi vakati vanhu ndivo vakashevedza VaMnangagwa kuti vadzoke kuzotonga mushure mekubviswa pachigaro kwemushakabvu VaRobert Mugabe.
“Isu sevanhu veZanu Pf tisu takazovadhonza kwavanga vaenda tikati huyai mugare pachigaro chemukuru uyu sarudzo iyi yanga iri yevanhu kwete VaMnangagwa, zvaVaChinamasa zvekubvudza VaMnangagwa kuti vachiri kuda here vakakanganisa” VaZiyambi vanotsanangura.
Hatina kunzwa divi raVaChinamasa sezvo vati havataure zvemubato mavo nevatori venhau.
Sachigaro wevaimbove varwiri verusununguko mudunhu reMashonaland West, VaConelius Muhoni, vanoti vanomira neshoko raVaMnangagwa rekuti vari kusiya basa pachapera temu yavo yekupedzisira muna 2028.
“Asi mukuru pane zvaari kutaura kwete muchivande asi pajekerere kuti ari kusiya basa panopera temu yake yekuoedzisira,” vanodaro VaMuhoni.
KuMasvingo bepanhau reThe Standard rinoti dzimwe nhengo dzebato reZanu PF dzakatomiswa basa dzichipomerwa mhosva yekusatsigira hurongwa hwekuti VaMnangagwa varambe vari panyanga uye vachifungirwa kuti vanotsigira mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubato reZanu PF kana chiri chokwadi chakaitika, sezvo mutauriri webato iri, VaChristopher Mutsvangwa, kana mushandi mukuru mubato iri, VaFarai Marapira, vanga vasingadavire nharembozha dzavo.
Asi mutungamiri werimwe bato rinopikisa reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vanoti kunetsana kuri mubato reZanu PF pamusoro pesirogani iyi zvinopedzwa naivo VaMnangagwa vakaudza vatsigiri vavo kuti vamire kutaura uku.
Kusawirirana mubato iri kunonzi kuri kuitikawo mumatunhu akawanda anosanganisira dunhu reHarare.
Your browser doesn’t support HTML5