Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika muKucherechedza Zuva reKodzero Dzevanhu Vamwe Vachiti Kodzero dzeVanhu Hadzisi Kuremekedzwa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zuva remusi waZvita 10 rakatarwa neUnited nations sezuva rekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu pasi rose.

Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu, reInternational Human Rights Day, komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu munyika yakaumbwa nehurumende, yeZimbabwe Human Rights Commission, ichiti nyika yaita zvakawanda mukusimudzira pamwe nekuchengetedza kodzero dzevanhu.

Komisheni iyi yakurudzirawo mapoka ane chekuita nenyaya dzekodzero dzevanhu kuti ashande pamwechete mukusimudzira nyaya dzekodzero dzevanhu munyika.

Asi nekune rimwe divi, sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu munyika reZimbabwe Lawyers For Human Rights, rinoti riri kushushikana nenyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika, zvikuru kusungwa kwevanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu.

Zuva iri riri kurangarirwa panguva iyo pasi rose rapedza kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kupedzwa kwemhirizhonga yakanangana nevanhukadzi kana kuti 16 Days Against gender-Based Violence.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere, vanoti mukucherechedza zuva rekuremekedza kodzero dzevanhu, sangano ravo svondo rino rakaparura chirongwa chekuremekedza vanorwira kodzero dzevanhu vari mumatunhu akasiyanasiyana emunyika.

VaBere vanoti pane zvizhinji zvinoda kugadziriswa panyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika uye gore rino range rakawomera veruzhinji panyaya yekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo.

Vanoti vakange vanezvirongwa zvakawanda zvekuyedza kuzeya nevadare uye nehurumende pamusoro pekukosha kwekuremekedza kodzero dzeveruzhinji. Dingindira rezuva rekodzero regore rino rinoti, “Our Rights Our Future Right Now.”

"Pari zvino tine chirongwa chekuremekedza varwiri vekodzero dzevanhu vanobva kumatunhu akasiyana siyana munyika. Ava vanhu vari kuita mabasa aya muchinyararire asi varikuita mabasa anonwisa mvura," VaBere vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzikamai Bere