Chirongwa cheAmerica chePEPFAR Choraramisa Mamiriyoni eVanhu Vane Hutachiwana hweHIV muNyika

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont vari pachipatara cheMarondera.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont, vanoti vari kufara zvikuru nezviri kuitwa nenyika yavo mukurwisa chirwere cheHIV/AIDS muZimbabwe.

Amai Tremont Vataura mashoko aya apo vashanyira chipatara cheMarondera Provincial Hospital neChipiri.

Vachitaura kuMarondera nhasi, Ambassador Tremont vati vari kufara zvikuru nerubatsiro rwuri kupihwa Zimbabwe pasi pechirongwa che United States President’s Emergency Plan for AIDS Relief, PEPFAR, icho vati chaderedza zvikuru kufa kwevanhu vane HIV/AIDS muZimbabwe.

Vatiwo donzvo r renyika yvo rekupedza kufa kwevanhu vane HIV/AIDS mugore ra 2030 rinogona kuzadzikiswa.

“Chirongwa ichi chiri kubudirira zvikuru kubva zvachatanga mugore ra 2006. Vanhu vanofa nehutachiwana hweHIV vave vashoma zvikuru. Izvi tinofanira kudada nazvo. Nyika yeAmerica iri kufara zvikuru kuramba ichitsigira nyika Zimbabwe mukurwisa hutachiwana uhu,” vadaro Amai Tremont.

America yadira mari inoita bhiriyoni rimwe chete nezviuru mazana manomwe emamiriyoni emadhora ekuAmerica mukubatsira vanhu vanorarama neHIV muZimbabwe.

Gore rapera America, kuburikidza nePEPFAR, yakashandisa mazana maviri emamiriyoni emadhora mukubatsira zvirongwa zveHIV/AIDS muZimbabwe.

Pamusoro pezvo, PEPFAR inobatsira nemari inosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe emadhora ekuAmerica muZimbabwe gore rega rega mukubhadhara vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nechimwe vanoshanda mune zvehutano.

Chirongwa chePEPFAR chinotsigirwa nehomwe yemutungamiri weAmerica.

Vachitaurawo pagungano rekuMarondera iri, mumwe mushandi mubazi rezvehutano, VaEmmanuel Gofa, vatendawo zvikuru muzinda weAmerica muZimbabwe nerubatsirwo rwuri kupihwa nyika.

“PEPFAR isati yauya kuzotibetsera maererano nechirwere cheHIV and AIDS, taive nevanhu vaifa zvakanyanya. But nekuda kwema ARVs atakabetserwa kutenga kuburikidza nePEPFAR uyewo nehurumende yedu zvekare ne Global Fund zvakaita kuti vanhu vasafe zvakanyanya,” mazwi aVaGofa.

Vamwe vagari vekuMarondera vari kurarama neHIV vaudzawo Amai Tremont kuti zvairema kutambira pakutanga. Asi vatendawo zvikuru kuti chirongwa chePEPFAR chakavabatsira kuti vagone kutambira uye kugona kurarama zvakanaka.

Mumwe mugari ataura neStudio7, VaJewel Garikai, vati pachine basa guru kudivi revarume nekuti vazhinji vavo havaendi kunoongororwa ropa pachine nguva kuitira kuti vagone kubatsirika uye kuva nemukana wekurarama nguva yakareba.

“Tine dambudziko mucommunity. Varume vachiri kuramba kupinda mazviri. Vanoda kuzouya kuchipatara vaparara. Inhau yekuti patinotsika pacho pakawanda,” VaGarikai vadaro.

Pakatanga chirongwa chePEPFAR muna 2003, Zimbabwe yainge yoparadzwa neHIV/AIDS sezvo vanhu zvikamu makumi matatu kubva muzana vainge vaine HIV uye vanhu mazana matatu nemakumi matatu vaifa zuva rega rega, vana vachisara vava nherera.

Zimbabwe ine vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu vane HIV, asi nepamusana pePEPFAR vanhu 1.2 million vave kurarama zvakanaka zvichitevera kudzikiswa kwehukasha hweHIV. Zvikamu makumi mapfumbamwe nezvinomwe kubva muzana zvevanhu ava hazvichakwanisi kutapurira vamwe HIV.

America yadyara mari inosvika mabhiriyoni zana rimwe chete remadhora muchirongwa chePEPFAR munyika dzemuAfrica nedzimwewo. Chirongwa ichi chabatsirawo vanhu vanopfuura mamiriyoni makumi maviri nevashanu munyika dzemu Africa nedzimwe dzakasiyana siyana.

Mumiriri weAmerica, Amai Pamela Tremont nevamwe kuMarondera.


Chirongwa chePEPFAR chakaparurwa mugore ra 2003 nevaimbove mutungamiriri weAmerica, VaGeorge Bush, chiri kushandawo munyika dzakasiyana siyana pasi rose.

Mune imwewo nyaya, muzinda weAmerica muZimbabwe wange uchikorokotedza madzimai anopfuura makumi matatu ayakadzidzisa nezvemabhizimusi muBulawayo pasi pechirongwa cheAcademy for Women Entrepreneurs.

Vachitaura pachiitiko ichi, vanoshanda muhofisi yePublic Diplomacy, Amai Rebecca Archer-Knepper, vakurudzira madzimai aya kuti vave mucherechedzo wakanaka kune mamwe madzimai.

“Muri kubatsira zvikuru kuti hupfumi hwenyika hubatsire munhu wese. Muri kuratidza vanhu vekumaruwa, madzimai uye nevasikana vechidiki kuti muZimbabwe pane zvinogoneka nemadzimai. Pamuri kupfuurira mberi, rangarirai kuti mabhizimusi emuZimbabwe anoda muoono wenyu uye hunyanzvi hwenyu,” Amai Archer-Knepper vachitaura.

Chirongwa che Academy for Women Entrepreneurs chinobatsirawo kusanganisa madzimai nevamabhizimusi makuru kuti vawanewo mikana yekuvandudza ruzivo uye kusimudzira mabhizimusi avo. Ichi ndechimwe chezvirongwa zvakawanda zvinotsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe.

Gore rino, chirongwa ichi chakadzidzisa madzimai zana mumaguta anoti Harare, Mutare neBulawayo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Costa Nkomo