Mukuru weboka rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, reCivil Protection Unit (CPU), VaNathan Nkomo, vakurudzira bazi rezvemari kuti ripe CPU mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica (US$250 million) vachiti vanoda mari iyi kuitira kuti vachengetedze hupenyu hwevanhu pamwe nekugadzirisa matambudziko angangokonzerwa nedutumupengo reTropical Cyclone Chido.
Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department Of Zimbabwe rakazivisa kuti dutumupengo Tropical Cyclone Chido riri kutarisirwa kusvika muZimbabwe svondo rinouya.
Vachitaura pamberi penhengo dzekomiti inoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi, yeNational Civil Protection Committee, VaNkomo vati kunyange hazvo pane zvimwe zvinoda mari, zvakakosha kuti CPU ipihwe mari panguva ino kuitira kuti ichengetedze hupenyu hwevanhu.
“Chataakungoda ndechekuti bazi rezvemari richitibatsirawo nemari, hatidi zvekuti tinozopihwa mari yakakwana dambudziko ravepo, ngatipihwe mari yacho iko zvino tigadzirise nyaya dzacho dzisati dzaitika.”
Vati kunyange vakasawana havo mari yese yavanoda, zvakakosha kuti vapihwe imwe mari yacho kuitira kuti vagadzirise matambudziko anokonzerwa nemadutumupengo.
“Tikatarisa zviri kuitika zvikoro, makirinika, dzimba zviri kudonha zvese izvozvo. Vanhu vanoda rubatsiro kumamisha. Ukanzwa munhu anoti hapadi rubatsiro munhu iyeye haana waanomirira kana achiita zvematongerwo enyika. Vese vanomirira vanhu vanoziva zvazvinoreva kuti mari yezvekudzivirirwa kwenjodzi inoita basa rei? Inoita kuti hupenyu hwevanhu hureruke.”
VaNkomo vati bazi ravo rakagadzirira kuita basa raro nemazvo kumatunhu ese anotarisirwa kubatwa nedutumupemgo reTropical Cyclone Chido svondo rinouya.
Vati dare remakurukota rakatambira hurongwa hwavo hwekugadzisirisa zvinhu hweMulti-Hazard Contigency Plan, uye chasara imari chete.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Vamiriri vemapazi ese ehurumende neezvikwata zveUnited Nations munyika vatiwo vakagadzirira kubatsirana nehurumende mukudzivirira njodzi pachasvika Cyclone Chido.
Mumwe mukuru anoongorora zvemamiriro ekunze mubazi reMeteorological Services Department of Zimbabwe, VaJames Ngoma Jr, vaudza musangano uyu kuti pari zvino zvinotarisirwa kuti dutumupengo iri richabata matunhu mana anoti Manicaland, Mashonaland East, Mashonaland Central neHarare.
“Kana yava kupinda muSADC inenge yati shomekeyi panhau yemvura uye mhepo yacho inenge yati derereyi. Tino tarisira kuti inenge yave ne speed inosvika kuma 50 kiromita kubva kuma 200 kiromita aiiri kufamba nayo kuMadagascar.”
Asi vakurudzira veruzinji kuti varambe vachiteerera marhedhiyo nezvivhitivhiti kuitira kuti vanzwe kuti Cyclone Chido ichange ichifamba sei uye kuti ichange yakasimba zvakadiyi paichasvika muZimbabwe.
Mukuru werimwe sangano rinoshanda rakazvimirira kuChipinge neChimanimani rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vanhu vave kuziva kuti Cylcone Chido iri kuuya, gadziriro dzacho hadzisi kufamba zvakanaka nekuda kwekushaya zvikwanisiro.
“Vanhu vese vari kuziva kuti Cyclone iri kungouya asi zvinofanira kunge zvichiitwa ndezvekuti tinofanira kunge tiine ma evacuation centre. Tinofanira kunge tiine ruzivo rwekudzidzisa vanhu zvinhu zvekutarisa kana Cyclone yave kuuya kuti toita sei? Asi vamwe vanhu havadi kuterera. Saka tiri kushupika nekushanda nevanhu vakadaro. Vamwe vanhu havadi kunzwisisa kuti dzimwe nzvimbo dzavanogara vanofanira kutobvako zvachose.”
Vatiwo vanotarisira kuti hurumende ichatsigira CPU nemari yairi kuda kuitira kuti ikwanise kuchengetedza hupenyu hwevanhu kubva kudutumupengo iri.
Kushanduka kwemamiriro ekunze ndokunonzi kuri kukonzera madutumupengo munyika dzakawanda dzemuSADC.
Dutumupengo rakanga rakaipisisa iCylcone Idai iro rakauraya vanhu 1593 rikabatabatawo vanhu mamiriyoni matatu munyika dzinoti Mozambique, Malawi neZimbabwe muna 2019.
Cyclone Chido iri kubatawo nyika idzi nhatu zvekare uye dzave kutoshanda pamwechete mukuedza kudzivirira njodzi inogona kukonzerwa nedutumupengo iri.
Your browser doesn’t support HTML5