Zimbabwe Yokurudzirwa Kushandisa Njere dzeChizvinozvino Kana Kuti AI Senzira yeKurerutsa Nayo Mabasa

Gurukota rezveICT, Muzvare Tatenda Mavetera nechiumbwa chine pfungwa dzemunhu chinonzi Sophia.

Zimbabwe iri kukurudzirwa kushandisa njere dzechizvino zvino dzinowanikwa pamadandemutande, kana kuti Artificial Intelligence, senzira yekurerutsa mabasa anoitwa pamwe nekusimudzira hupfumi hwenyika sezviri kuitwa nedzimwe nyika.

Izvi zvakabuda pamusangano wapera nhasi uyo wanga uchiitwa kwesvondo rese. Musangano uyu wanga uri wekukurudzira kushandiswa kwenjere dzepamadandemutande dzechizvino zvino mukuitwa kwemabasa kuchishandiswa ruzivo urwu, kana kuti Artificial Intelligence and Inngovation Week.

Vanomirira sangano reUnited Nations Development Program muZimbabwe, VaAyodele Odusola, vanoti kushandisa Artificial Intelligence kunokwanisa kusimudzira hupfumi hweZimbabwe.

"Tine chivimbo chekuti AI ichabatsira zvakanyanya munhau dzehupfumi, mune zvemamiriro ekunze, nemuzvikamu zvakawanda zvehurumende. Chakakosha kuita kuti munhu wese, kusanganisira vari kumaruwa, vasasarira kumashure apo nyaya dzekushandiswa kweAI dziri kuenderera mberi."

Gurukota rinoona nezvekushandiswa kwemichina yechizvinozvino, Muzvare Tatenda Mavetera, vanoti hurumende iri kuedza nepese painogona kuti vari kumamisha vafambirane nevamwe munyaya dzechizvino-zvino.

"Tichishanda nemakambani anowanisa veruzhinji masaisai ekuenda padandemutande, ndinofara kuti hakuna munhu ari kusiiwa kumashure. Ndinofarawo nekuti tiri kuedza kuwanisa vari kumamisha, nharembozha dzekuti vakwanise kushandisa iyo Artifical Intelligence iyi."

Muzvare Mavetera vaenderera mberi vachiti kunyange varipo vamwe vanoti kushandiswa kwemichina yechizvino-zvino kunogona kutorera vanhu mabasa, izvi handizvo.

Chirongwa ichi chaitsigirwa neUNDP nemamwe masangano.

"Tinonzwa vamwe vachiti Artificial Intelligence yave kuita kuti vana vave nehusimbe mukuita basa ravo rechikoro. Hakuna zvakadaro nekuti chero vadzidzisi vave kudzidzisa vachishandisa nzira iyoyi. Panyaya yemabasa, mabasa ari kutogadzirwa, kwete kupedzwa neA.I. Ngatiigamuchirei nekuti ndiko kuri kuenda nyika dzepasi rese."

Gurukota rinoona nezvenyaya dzevechidiki, avo vaivawo pamhemberero idzi, VaTino Machakaire, vakaudza Studio 7 kuti kushandiswa kweArtificial Intelligence kunopa vechidiki mikana yakawanda yekuti vavandudze zvinhu zvakawanda.

"Ino inguva yekushandisa pfungwa kuti nyika yedu ibudirire, kwete kushandisa maoko. Sehurumende tiri kuedza kuvandudza zvikoro zvedu zvekudzidzisa mibato yemaoko, kuti zvinge zvichishandisa mhando dzemazuvano kuwanisa vechidiki ruzivo."

Asi nyanzvi munyaya dzezveArtificial Intelligence, vachishanda nekambani yavasina kuda kuti idomwe nezita, VaCharles Sande, vanoti zvipingaidzo zvekuti AI itekeshere munyika, zvichiri zvakawanda.

"Tichitarisa kuti zvechizvino-zvino izvi zvakabva kune dzimwe nyika, isu tichiri takasarira chose. Zvinonyanya kuita kuti tisare inyaya yekudhura kwemasaisai eInternet, kotiwo vanhu vakawanda havana nharembozha dzinokwanisa kuenda paInternet. Chimwezve ndechekuti magariro netsika dzedu dzimwe nguva dzinopesana nezvinoitwa neArtificial Intelligence."

Zvimwe zvinoitwa nemichina yechizvino-zvino zvanga zvichiratidzwa nenyazvi dziri mubhizimusi iri, kushandisa michina kubatsira vanhu vanorwara, kunyange pasina chiremba; kuona tsaona dzinogona kukonzereswa nekuchinja kwemamiriro ekunze; uye kubatsira vana vechikoro muzvidzidzo zvavo.

United Nations Development Program, iyo yanga yakabatana nehurumende mukupemberera svondo reArtificial Intelligence and Innovation Week, yakaunzawo chivakwa chayo chesimbi asi chiine chimiro nepfungwa dzinenge dzemunhu, chinonzi Sophia, kuzoratidzira zvimwe zvinoitwa neArtificial Intelligence mukubatsira hupenyu hwevanhu nenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa