Bhajeti ra 2025 Rinopasiswa neParamende Veruzhinji Vachinyunyuta neKuzviwedzera Mari muBhajeti Iri kweNhengo dzeParamende

  • Jonga Kandemiiri

FILE PHOTO: Zimbabwe Finance Minister Mthuli Ncube arrives to present the 2020 National Budget at Parliament Building in Harare

Bhajeti ra2025 remari inoita mabhiriyoni manomwe nemamiriyoni manomwe emadhora ekuAmerica kana kuti US$7.7 billion, rakaturwa muparamende negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube mwedzi wapera rinonzi ratambirwa neParamende mushure mekunge nhengo dzedare iri dzaedzerwa dzichirizeya muparamende.

Asi paita kunyunyuta kukuru kubva kune veruzhinji mushure mekunge zvabuda pachena kuti bhajeti iri razopasiswa rakwira nemari inoita mamiriyoni gumi nemanomwe emadhora ekuAmerica kana kuti US17 million mushure mekunge nhengo dzeparamende dzazowedzera zvimwe zvadzinonzi dziri kuda.

Nhengo idzi kubva kumapato ose anoti CCC neZanu PF dzinonzi dzakawedzera zvimwe zvinosanganisira zvekuti masachigaro emakomiti eparamende atengerwe dzimwe motokari kunyange hazvo vachangobva kupiwa dzimwe.

Mari iyi inosanganisirawo mamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica yekuti vabatsirikane kana kuti allowances, mamiriyoni maviri emadhora ekutengerwa zvekushandisa, mamiriyoni maviri nezviuru mazana mapfumbamwe yemafuta edzimotokari dzavo, nemamiriyoni gumi emotokari itsva.

Vamiriri veparamende avo vanonziwo vari kuda kuti vapiwe mari yekutenga nzvimbo dzekuvakira dzimba muHarare kuitira kuti vawane pekurara kana vaenda kumisangano yeParamende.

Izvi zvose zviri kuuya panguva iyo vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vari kunzi vakatarisana nenzara inotyisa munyika.

Asi mumiriri weMarondera Central muParamende vari zvakare sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaCaston Matewu, vanoti hapana chitsva pane zvose zvinonzi zvinodiwa nevamiriri vematunhu ava.

VaMatewu vanoti panyaya yemotokari, havasi vamiriri veParamende vose vari kuda kutengerwa dzimwe motokari, asi kuti masachigaro emakomiti eparamende chete vanove makumi matatu.

Varambawo mashoko ekuti vadare vari kuda kugara zvakanaka asi ruzhinji rwuchifa nenzara uye muzvipatara musina mishonga, vachiti zvose izvozvo zvakagadziriswa kubhajeti iri.

VaMatewu vapomera vatori venhau mhosva yekungotarisa chikamu chimwe chete chine chekuita nenhengo dzeParamende vachisiya dzimwe nyaya dzose pazvikamu makumi mana nechimwe zviri mubhajeti ra2025.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCaston Matewu