Mumwe Mukoti, Amai Manyere, Voparura Chirongwa Chichabatsira Vanonetseka neMbereko Vari muNyika

Nyanzvi inobatsira vane dambudziko rembereko ichishanda muchipatara muLondon.

Chimwe chizvara cheZimbabwe chiri kushanda senyanzvi munyaya dzembereko kana dzekubata pamuviri chiri kuBritain chatanga chirongwa chekudzidzisa vakoti navanachiremba vemunyika kuti vawane ruzivo rwakadzama munyaya iyi kuitira kuti vazokwanisawo kuzobatsira varwere vanosangana nedambudziko rekushaya mbereko vanoenda kunorapwa kuzvipatara zvinoshandiswa neveruzhinji.

Mukoti uyu, Amai Tinotenda Manyere, vakaudza Studio 7 kuti kushaya mbereko idambudziko risingasarure, kunyange hazvo vakawanda vachifunga kuti zvinobata vanhukadzi chete.

"Kushaya mbereko idambudziko rekusabata pamuviri mushure mekunge mai nababa vagara gore rese zvichienda mberi vachiita bonde rakakwana asi pamuviri pasingabate.

"Chinhu chatingati hatingati idambudziko revakadzi chete, nevarumewo vanoita dambudziko iroro nekuti vanogona kuita mbeu shoma, mbeu yakaremara kana kutoshaya mbeu zvachose saka idambudziko rekutiwo vakadzi vanogona kunge vaine matambudziko akaita se hormonal imbalance kana dai mafuta akawandisa kana dai tikaita dambudziko riya rechibereko chavhara matubes kana kuti icho chibereko chacho chine hurema hwachinahwo. Zvese izvi zvinogona kukonzeresa dambudziko rekusabata pamuviri," Amai Manyere vanotsanangura.

Vanoti donzvo ravo rekutanga chirongwa ichi kuzvipatara zvehurumende ndere kubatsira vanosangana nedambudziko rekushaya mbereko vanoshandisa zvipatara izvi asi vasina mari dzinodiwa.

"Dambudziko iri vanaro mukati menyika ino yeZimbabwe vanga vachikwanisa kuwana rubatsiro rwakadzika dzika kuzvipatara zvakazvimiririra. Kuzvipatara zvehurumende kwanga kusina. Munyika muno hamuna fertility nursing yakazvimirira. Pamusoro pazvo nyanzvi dzedamudziko rembereko vanotobuda kunze kwenyika kuti vakwanisa kuve neruzivo rwebasa iri. Saka inini ndakazoona kuti aiwa ngatironge kudzidzisa.

Mushandi wemuchipatara achitora mazai amai akachengetedzwa.

"Kudzidzisa uku kuchabatsira chekutanga kuvandudza vana mukoti vaya, vana mbuya nyamukuta nana mukoti kuti vakwanise kuti munhu akauyawo pachipatara chehurumende ane iroro dambudziko vanokwanisawo kumubatsira kusvika pavanogona napo vachishandisawo zvavanazvo."

Amai Manyere vanotiwo havasi vese vanoshaya mbereko vanoda kubatsirwa nemichina yechizvinozvino kana nenzira dzemazuvano idzi,

"Munhu akati simbeyi munogona kubatsirana naye kuti amboti dzikireyi muviri mbichana ozama kuita mwana pamuviri potobata. Kana kuti munogona kutaura naye kuti ave munhu uya uya wekuti anokwanisa kuziva zvaanodya nezvaanoita yatinoti kuvandudza magariro zvotongopera pamuviri potobata.

"Kune vaya vane matube akavhara mukangokwanisa kuona mobva mazongoziva kuti kana aka vhara munobvisa zvakavhara . Saka hapasi pese panenge pachidiwa michina yechimanje manje saka tati regai timbobatsirana, tishande nezvatiinazvo timbobatsirawo ruzhinji rweZimbabwe kuti rwukwanise kuwanawo irworu rubatsiro. "

Nyanzvi mune zvekudya kunovaka muviri (nutrionisist), VaDiagoh Muguri, vanoyambira veruzhinji kuti vadye zvekudya zvine hutano senzira yekuwedzera mukana wembereko.

“Pane chikamu chinoratidza kuti kudya nembereko zvine hukama hwakasimba pakati pazvo. Pakutanga ngatitarisei kufuta kana kuonda. Izvi zviviri zvinowanzokonzereswa nemadyiro edu kana mhando yechikafu chatinodya. Muchaona kuti zvinhu zvinokonzera hormonal imbalance mumuviri yedu zvichizokanganisa mbereko.

"Nguva zhinji kana taona kuti amai vane pamuviri tinobva takurudzira kuti vadye chikafu chizere neyatinoti iron. Kusavapo kwe iron kunokonzera kusavapo kweovulation. Saka ndizvo zvimwe zvatinomhanya kuongorora kuti tivandudze kudya zvinhu zvakaita sespinach malettuce uye nenyama dzatinoti red meat. Zvinhu zvinobatsira panhau dzembereko," vakatsanangura kuStudio 7 VaMuguri.

Vanotiwo kushaikwa kwezinc mumuviri wababa kana waamai kunogona kushaisawo mbereko sezvo ichidiwa mukusimbisa mbeu yababa, kuumba zai rine hutano, uye kuumbwa nekukura kwekwemwana.

"Kunana baba, kusavapo kwe zinc kunokonzera kushaikwa kwekubikwa kwembeu ine hutano uye ine huhwandu. Saka munguva dzese munoona patinoti kana vachidya mavise tinokurudzira kuti vadye nemhodzi dzacho nekuti ndimo mumwe munowanikwa zinc inozobatsira pakusimbisa kwemarono kana huwandu hwacho paanogadzirwa," VaMuguri vanodaro.

Madzimai ane pamuviri.

Amai Priscilla Hakata, mumwe mugari wemuHarare, vanoti kwakawanikwa nyanzvi muzvipatara zvehurumende dzinobatsira munyaya dzembereko zvinobatsira mhuri zhinji dzisina zvikwanisiro zvekuenda kuzvipatara zvakazvimiririra.

Amai Manyere vanoti pari zvino vakadzidzisa vakoti nanachiremba vepazvipatara zvikuru zveSally Mugabe neParirenyatwa muHarare.

Vanoti shuviro yavo ndeyekuti vawane zvikwanisiro vonodzidzisawo vana mukoti nana chiremba kuBulawayo vachiti vanodawo kuti vanenge vadzidziswa awa vazofambawo vachidzidzisa vamwe vashandi vezvehutano kumatunhu ese munyika.

Muna 2017 vanachiremba vaviri vemuZimbabwe vakavhura chipatara chakazvimirira chinobatsira vanenge vachinetseka nembereko, che IVF Zimbabwe uye chakabatsira madzimai zana nemakumi maviri kubata pamuviri.

Mhuri dzinoda kubatsirwa kuwana mwana dzinoenda kuzvipatara zvakazvimirira dzinobhadhara mari inosvika muzviuru zvina zvemadhora, inove mari yakawandisa kuvanhu vazhinji muZimbabwe.

Munyika zhinji dzemuAfrica kusanganisira Zimbabwe, pakashaikwa mbereko kunowanzosvorwa mudzimai.

Gwaro reZimbabwe Health Demographic Survey rinoratidza kuti munyika madzimai emumadhorobha ndiwo anonyanyonetsekana nembereko zvichienzaniswa nevanogara kumaruwa.